‘Ndingasadhakwa ini ndanwa?’

MUKADZI wekudhonzerwa kudare nemurume wake achinzi ane marambadoro, ayo anokonzeresa kuti aite mhirizhonga mumba, akatsinhira kuti chidhakwa chemakoko achiti kunwa doro haisi mhosva ndokuti: “Handiti ukanwa doro unodhakwa here, saka anenge achida kuti ndisadhakwe ini ndanwa?”

Maxwell Nyahoda akazvuzvurudzira mudzimai wake, Fatima Nyahoda, kuHarare Civil Court achida gwaro redziviriro.

“Changamire, ndashaya zano nemudzimai wangu uyu. Chidhakwa chekupedzisira muchimuona akadai. Anouya akapera zvekutoita kunge ndiye atonwiwa nedoro racho zvekuti dzimwe nguva anotorutsira mumba.

“Ndoda kana aenda kuma‘party’, rinotoita basa chairo uye haadi kuenda neni zvekuti ndinotofungidzira kuti kunenge kuine zvikomba.

“Anoita tsika yekudaira zvikomba zvake pafoni vana vachinzwa, ndakatomutepa nefoni yangu achitaura uye handizivi kuti anenge achiti vana vanozodzidzei kubva pazviri. Dzimwe nguva ndinorohwa ndomusiya akadaro nekuti ndinenge ndichitya kusungwa,” akadaro Maxwell.

Mudzimai wake akati:
“Changamire, baba ava vari kundibikira nyaya nekuti havashandi. Anondiitira godo kuti ndinosevenza ndichizviitira mari yangu. Ndinononoka kudzoka kubasa obva ati ndanga ndiri kuzvikomba.

“Kuma‘party’ ndinoenda hangu uye anononoka kupera saka ndichinonokawo kudzoka. Ko kunwa doro imhosva here, handiti ukanwa doro unodhakwa here? Saka anenge achida kuti ndisadhakwe ini ndanwa?”

Mutongi Gamuchirai Siwardi akati vaviri vadzoke kudare zvakare kuzonzwa mutongo wenyaya iyi.

 

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×