‘Ndine muchato nemurume wako’

MUKADZI wekuendesa kudare waaifungira kuti ipfambi yemurume wake akazoshamiswa ave kuudzwa kuti mudzimai uyu akatochata nemurume wake.
Judith John akamhan’arira Tatenda Chienge kuHarare Civil Court achida achiti anoenda kumba kwake nguva nenguva achinomushungurudza.

“Changamire, mukadzi uyu ipfambi yemurume wangu, ndinogaromuona ari mumba mangu pese pandinobva kubasa uye haatombovhunduki. Pandakamubvunza kuti anenge achidei mumba mangu akabva andituka nekundipopotera.

Handidi hangu kumuona pamba pangu nekuti ndakaroorwa pachivanhu,” akadaro John.

Chienge akaramba mhosva yaaipomerwa achiti anotoriwo mudzimai wemurume uyu zviri pamutemo nekuti vakachata.

“Chekutanga, handisi pfambi yemurume wako asi ndiri mukadzi wake chaiye zviri pamutemo. Ndine muchato weChapter 5:11 saka dai uri mumwe wataura zvakanaka. Ini ndakaziva kuti uri kugara nemurume wangu ndikakusiya nekuti ndinozviziva kuti varume vanobata-bata twakawanda,” akadaro Chienge.

“Midziyo yaari kushandisa akaiwana irimo, ndini ndakaitenga. Kana zvirizvo zvawakaudzwa kuti ndiri pfambi yake akakunyepera. Pamba paya ndinotouya pandadira nekuti ndiri mukadzi wake, hapana anondirambidza kusvika.”

John akaratidza kushamisika achinzwa zvaitaurwa naChienge achiti aka kakanga kari kekutanga kunzwa kuti akachata nemurume wake.

“Zviri kundishamisa kunzwa achiti vakachata. Akadii kundiudza izvozvo uyezve kumusha kuvabereki vemurume haazivikanwi. Midziyo yandinoshandisa ndiye aitumwa nemurume wangu kunotenga kwete kuti akashandisa mari yake,” akadaro John.

Mutongi Gamuchirai Siwardi akati vaviri ava vadzoke kudare apo aizopa mutongo panyaya iyi.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×