‘Ndinodanana nemadzimai evanhu’

Sukoluhle Ndlovu

MURUME anogara kwaMambo Chireya, kuGokwe, akaripiswa mombe nhatu nedare reko mushure mekubatwa nemhosva yekushinha naamai vake – mudzimai wababa vake.

Murume mumwe chete uyu anobuda pachena kuti kunze kwaamai vake ava, anoshereketazve nemadzimai akawanda ayo akaroorwa emunharaunda yaanogara.

Albert Musokeri (25) akabatwa nemhosva yekushinha naKetina Musokeri (35) uyo anova mudzimai wechipiri wababa vake.

Imwe hama yepedyo yemhuri iyi inoti Albert naKetina vagara vachidanana zvekaverevere kwemakore maviri izvo zvaisazivikanwa nababa vaAlbert – Joshu Musokeri.

“Albert namainini vake vange vachidanana kwemakore maviri asi baba vaAlbert havana kuziva nezvazvo.

“Pane imwe nguva vakambofungira kuti mudzimai wavo ari kudanana nemumwe munhu asi vasiri kuziva kuti mwana wavo wekubereka.

Ndipo pavakazoronga zano rekutevera Ketina kwese kwaanoenda,” anodaro.

Pazuva ravabatikidzwa, Joshu anonzi akatevera mudzimai wake uyo ainge aenda kunochera mvura asi haana kumuwana.

Akazotevera matsimba eshangu dzake ndokusvikobata vaviri ava vachisasana musango.

Baba vaAlbert vakanomhan’ara nyaya iyi kuna sabhuku wavo uyo akazoidarikidza kwaMambo Chireya.

Mambo Chireya vanotsinhira kuti vakatonga nyaya iyi.

“Ndini ndakatonga nyaya yemukomana akashinha nemudzimai wababa vake uyu.

Ndakamuti aripe nemombe nhatu uye mudzimai wacho aripe nembudzi nhatuwo,” vanodaro Mambo Chireya.

Vanoenderera mberi vachiti: “Mukoma wechidiki uyu akazobuda pachena kuti anodanana nemadzimai akawanda akaroorwa emunharaunda nekuti baba vake vakamupa mushonga unoita kuti anzwe kuda vakadzi zvakanyanya.”

Related Posts

 Mabhurugwa evanhukadzi otsakatika akayanikwa pawaya . . . vamwe votevera kasingagumi

Kingstone Mapupu MAMWE madzimai ekuBudiriro 2, muHarare vogara vaine kutya kukuru zvichitevera kushaya kwavari kuita zvipfeko zvavo zvemukati apo vamwe vacho vanozoguma vava kurwara vachitevera kasingagumi.   Zvipfeko zvemukati zvemadzimai…

Sulu opemberera bhavhadhe mwoyo usina kugadzikana

Trust Khosa-Zimpapers SHASHA yemusambo weDendera, Suluman Chimbetu, anoti ari kupemberera kusvitsa makore 44 okuberekwa panguva iyo mwoyo wake wakaremerwa zvakanyanya. Mubatsiri wemabasa etsitsi, chipangamazo uye shasha yekusimudzira vamwe vaimbi, Sulu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×