Ndinodawo murume ini

MAKASIMBA here tete? Ini ndiri mukadzi ane makore 26 ekuzvarwa. Dambudziko rangu nderekuti ndaroorwa kanokwana kuita katatu. Ndikati ndifambe ndizvibvunzewo ndiri kungonzi ndine mudzimu.

Ndakamboedza kuti nditaure nehanzvadzi dzangu kuti ndibatsirwe asi vari kuramba vachiti havadi zvemudzimu.

Vabereki vose vakafa saka ndava kukumbirawo rubatsiro rwenyu tete.

Ini ndiri kuda zvemurume ini.

Prisca Kandimire.

Chivhu.

MHINDURO:

Dambudziko rako rinorwadza chaizvo muzukuru nekuti vanhu vanofarira kushandisa nherera kazhinji kana vabereki vafa.

Unogona kunge usina mudzimu asi kutoti unenge wakateketererwa kuti usafe wakaroorwa.

Zano randingakupa nderekuti iwe chirarama uri muchechi dzemweya mutsvene. Ukaita izvi dambudziko rako rinopera ukatokanganwa.

Usabate-bate mishonga nekuti mangwana zvinozokunetsa ukashaya anokubatsira kuzvipedza.

Tete.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×