Ndinoita tumapundu, ndichivaviwa

Bvunza Kwayedza naSekuru Mutanga

MUBVUNZO:

Sekuru ini ndine dambudziko rekubuda “discharge” yakasviba uye yakawandisa zvekutotesa chipfeko changu chemukati. Zvekare ndinonzwa kuswinyiwa pamadziro ekunhengo yangu pachiita “turush”.  Ndatambura sekuru ndibatsireiwo.

MHINDURO:

Vazukuru dambudziko rekuburitsa mvura dzinonhuwa nekusikarudzi uye kuvaviwa nekuswinywa chinotori chirwere. Kuita tumhezi nekuvaviwa zvinokwanisa kunge iri “fungal infection”. Hosha idzi dzikasarapwa dzinokuvadza chibereko nenzira dzinofamba mazai emudzimai zvotaure kuti mbereko ichakanganiswa.

Discharge yakasviba iyo, zvinogona kureva kuti chibereko nemachubhu anofamba nemazai zvakuvara. Matenda akaita serako anotapuririnwa nenzira dzepabonde. Kuvanhu vaya vanodyanana sikarudzi, vanoguma vaita iya inonzi pachiRungu “oral trush” iyo inogona kupedzisira yava mudumbu munhu ava kuita manyoka. Saka ichi chirwere chisina kumira zvakanaka chose.

Chirwere ichi chinoda kurapwa nachiremba anoziva basa uye hachirapike nemishonga yose-yose.

 

. Bvunza Kwayedza pa0714 200 007 kana 0775 421 949 kana 0715 942 183.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *