Mukanwa makafira chidembo mamuparira

Muchaneta Chimuka
MURUME wekuBeatrice wekutuka mumwe mudzimai nezvinyadzi mushure mekunge atadza kubhadhara chikwereti chemari yaakange amupa, ava kuzvidemba zvichitevera kumiswa kwaakaitwa mudare reChitungwiza Magistrate’s Courts nemhosva yekutukirira munhu.

Mutongi wedare iri, Tendai Mutamba, akapa Artwell Basvi wepanhamba 12547 kuNyatsime, kuBeatrice, chirango chekubvisa faindi ye$100 uye kukundikana kwake achagara mujeri kwemwedzi wese.

Basvi anobvuma mhosva yake yekutukirira mumhan’ari Sharon Sibanda (25) wepanhamba 12511 kuNyatsime, kwakare kuBeatrice.

“Mhosva ndinoibvuma, ndakamutuka nechikonzero chekuti akandikwereta mari akasaidzosa saka takatukana,” anodaro Basvi.

Muchuchisi Farai Katonha akaudza dare kuti nomusi wa5 Kubvumbi gore rino munguva dzemanheru, Basvi akaenda kumba kwaSibanda achibva atanga kumutukirira nezvinyadzi zvakadzika-dzika.

Sibanda akamubvunza chikonzero chaaimutukira asi akaramba achidzokorora mashoko ezvinyadzi izvo zvakaita kuti agumisire ahwanda mumba nekunyara.

Mashoko aya akaonekwa nedare aine chinangwa chekudzikisira chimiro nehunhu hwemunhu nokudaro Basvi akatongwa nemutemo weSection (1) (a) of the Criminal Law, Codification and Reform Act Chapter 9:23 Criminal Insult.

Related Posts

‘Vashandi veHurumende rongerai remangwana’

    Lovemore Kadzura   VASHANDI veHurumende vanokurudzirwa kuchengetedza mari yavo nekuishandisa zvine ungwaru kuitira kuti varambe vachirarama hupenyu hwakanaka mushure mekunge vasiya basa vave pamudyandigere. Mashoko aya akataurwa naMai…

EMA yoshandisa michina yemuchadenga mukurwisa moto wesango

    Muchaneta Chimuka SANGANO reEnvironmental Management Agency (EMA) riri kuvandudza mabasa aro ekurwisa moto wesango kuburikidza nekushandisa michina yechizvino-zvino yemakombiyuta kusanganisira yemuchadenga (Satelite Computer-Generated Risk Mapping). Izvi zvinoita kuti…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *