‘Ndinorohwa nevana vemurume’

Courtney Munodawafa

IMWE shirikadzi inoti iri kushaiswa rugare nekushungurudzwa nevanasikana vemurume wayo nekugara ichirohwa.

Eveline Maromo akazvuzvurudzira Marciline Katsetula naPerpetual Katsetula kudare reHarare Civil Court achida gwaro rerunyararo.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Maromo gwaro rinomuchengetedza.

Maromo anoti vana vemurume wake vamupfidzisa sezvo vachigara vakamurova nekumutukirira.

“Vasikana ava vana vemurume wangu asi kubva pashaya murume wangu munaKubvumbi, handisati ndambowana zororo nevana ivava. Vanouya vachinditukirira, handizive kuti imhosva here kuti murume wangu akashaya.

“Vakambouya vakandirova, Perpetual uyu akandiruma vakabva vakiya pamba ndikaita 3 days ndisingakwanise kupinda mumba,” anodaro Maromo.

Anoenderera mberi achiti, “Vanhu vanotove nedzimba nemhuri dzavo asi vanouya kuzondishungurudzira pamba pangu. Vanonditi imba haisi yangu saka ndinofanira kubva asi imba iyi takaitenga nemurume wangu, kunyangwe hazvo iri muzita remurume.

“Hatina kumbobvira tagara nevana ava murume wangu achiri mupenyu.”

Marciline anoti haatuke Maromo asi kuti anovarambidza kusvika pamba pababa vavo.

“Amai ava vari kuvanza chokwadi, handivatuke ini. Ivo vanotirambidzirei kusvika pamba pababa vedu? Kurwara kwese kwaiita baba ndini ndakavachengeta, ivo vakavasiya vachiti isu tiite zvababa vedu nekuti vaiti varambana. Baba chaivo vakatoti imba haisi yamhamha vane sitendi yavakatopihwa,” anodaro.

Marciline anoti vanoda zvinhu zvababa vavo zvavakasiya pamba panogara Maromo.

“Handivashungurudze, kumba kwavo ndakakusvika mumwe musi wandakapererwa nemari ndisati ndasvika kumba kwangu. Ndakatoendako kuti ndigomirira bhudhi vangu kuti vandipe mari yekuwedzera.

“Hanzvadzi nemwana wavo ndivo vakatondirova ndikatozomhan’ara kuBorrowdale Police. Handina dambudziko hangu nekusasvika kumba ikoko asi zvinhu zvababa vedu tozvida,” anodaro.

Perpertual anotiwo, “Handinetsane navo ini. Hapana hangu chandingade kumba ikoko, handina ndava navo.”

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *