Ropafadzo okumbira rubatsiro

Muchaneta Chimuka

MWANA ane makore masere ekuberekwa – uyo akazvarwa akaremara makumbo ake izvo zvinoita kuti afambe achikambaira – ari kutsvaga rubatsiro rwemari yechikoro, wiricheya uye zvimwe zvinodiwa mudzidzo kuti akwanise kutanga Giredhi 1.

Ropafadzo Kuzvida wekuDema, kwaSeke, anoti angafara zvikuru kana akawaniswa mukana wekuti aende kuchikoro.

“Ndinoda kuenda kuchikoro sevamwe, asi handina mari yechikoro uye mabhuku acho saka ndinokumbirawo rubatsiro,” anodaro.

Amai vake, Patience Nyamurumo (29), vanoti mwana wavo akazvarwa akaremara makumbo asi zvimwe zvose, kusanganisira njere dzake, zvinoshanda zvakanaka zvekuti ane mukana wekuzobudirira muupenyu kana akatsigirwa munyaya dzedzidzo.

“Dambudziko guru nderekuti ndakashaikirwa nemurume munaMbudzi gore richangodarika iri anova ainditsigira mune zvose. Ndakasiiwa ndiine vanasikana vaviri vanosanganisira sisi vaRopafadzo vane makore 11.

“Kudai mwana wangu awanirwawo wiricheya, mari yechikoro nezvinodiwa mudzidzo yake, ndingafara zvikuru. Ndiri murwendo kuenda kubazi rezvedzidzo kuti vanoita ongororo yekuti angaendeswa kuchikoro chakaita sei zvichienderana nekuremara kwaakaita sezvakataurwa nevezvikoro zvandaitsvaga nzvimbo kuti panofanira kutangwa paitwa ongororo pamwana,” vanodaro.

Vangada kubatsira mwana uyu vanogona kuchaya kana kutumira mari panhare dzinoti 0771 193 969 idzo dzinoburitsa zita rekuti Brighton Kuzvida.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×