Ndinorota ndiine murume

Bvunza Kwayedza naSekuru Mutanga

MUBVUNZO:NEKUZIVA kuwanda kwematambudziko muvanhu, bepanhau renyu kutanga svondo rino richakupai mukana wekuti mubvunze nhuna dzenyu, zvingava zvechivanhu, zvinoitika mudzimba kana zvimwe zvinobata raramo yenyu. Muchapindurwa nenyanzvi Sekuru Mutanga. Bvunza Kwayedza panhamba dzinoti: 0714 200 007 kana 0775 421 949 kana 0715 942 183

Sekuru, ndinorota ndiine murume wandisingaone uye ndikadanana nemukomana anotoronga zvekuroora asi zvozongopera. Ndinozongonzwa ava kuti sister ndakaroora. Ini wacho ndinombosema vakomana futi. Chingave chii nhai sekuru?

 

MHINDURO:

Muzukuru pamwe nevamwe vangava nedambudziko rakadai, muri kushandiswa nemweya yezvikwambo. Mweya uyu unokuite kuti musemwe, unodzinge vakomana, murume anodzingwa zvekare kana wava mumba. Kana ukaroorwa, mweya uyu unokushaisa mbereko, kuparadzika pamuviri kana kufirwa nevana. Mweya wechikwambo unogone kukudzingisa basa, unounze zvirwere zvisingarapike kuchipatara. Saka zvaungaite muzukuru kutsvaga kubatsirwa nemunhu ane matsamba esangano reZinatha. Mweya uyu ukadzingwa upenyu hwako hunobva hwanaka. Izvi hazvidi kuchipatara muzukuru, edza muchivanhu.

 

Sekuru Mutanga               0775 421 949

0715 942 183

Address:             685 Boader Gezi

                            Ushewokunze

                                Harare South.

Related Posts

MaWarriors dhuma-dhuma neSierra Leone

Abel Ndooka CHIKWATA chenyika chenhabvu chemaWarriors chiri kupinda muhondo nhasi apo chiri kusangana necheSierra Leone mumutambo wekurwira kuenda kumakwikwi e2027 Africa Cup of Nations. Mutambo wemaWarriors neLeone Stars uri kutambirwa…

MaLady Chevrons obandana neWest Indies

Abel Ndooka CHIKWATA chenyika checricket chemadzimai, chemaLady Chevrons, chiri kupinda muhondo kutanga svondo rino, apo chichatatsurana necheWest Indies mumitambo mitanhatu. MaLady Chevrons neWest Indies zvichasangana mumitambo inoti mitatu yeOne-Day International…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *