Kingstone Mapupu
IMBOZVINZWIRAIWO! Murume uyu muporofita wechipositori, anosvuta bute, achirova mbanje; doro anonwa – zvose rechivanhu se“Seven Days” kana kachasu. Remumabhodhoro se“whisky” anodhudhudzira uye anodya nyama mbishi seyechiropa kana yesusu riine ndove yaro. Pamba pake ndipo pamasowe uye anozvibikira doro rebira, achishandisa mvura yemuteuro nemishonga yechivanhu zvose. Pamusoro pezvo, ndisekuru nyamukuta vanosunungutsira vakadzi vane mimba “pachipatara” chepamba pavo. Sanganai naMufundisi SingLawyer Mushunje.
Mufundisi Mushunje anozviti isvikiro, in’anga uye muporofita mukuru kuChiedza Apostolic Church yekuEpworth iyo anotungamira.
Midziyo yemabasa ose anayo – inosanganisira makano, mapfumo, tsvimbo, nhekwe, chuma, zvambwa zvefodya, machira emidzimu eretso nemamwe, magemenzi, hari, mikombe, midende nendiro dzemiti dzinoshanda kwose — kuchivanhu nekuchiporofita.
Muhurukuro neKwayedza nemusi weChishanu wadarika, Mufundisi kana kuti Sekuru Mushunje (51) vekwaMushunje kuBocha, kwaMutare, vakati vanoshanda se“3 in 1” — vane mweya mitatu inoti wesvikiro, ngirozi yekuporofita nehun’anga — asi zvitatu izvi zvichibatanidzwa nemweya weshavi.
Mweya iyi inokwanisa kushanda panguva imwe chete ichipanana masimba “kana mumwe wave kuda kukundwa”.
“Kana mweya wesvikiro waona kuti ngirozi yava kuda kukurirwa nemhepo dzandinenge ndichirwisa, unobva wasvika wobatsira zvichidaro. Asi zvose zviri zvitatu zviri pandiri uye zvinoshanda pamwe chete, hapana chakaipa,” vanotaura vachidaro.
“Zvinoitwa kuchechi zvose ndinozvitevedza, kuchivanhuwo ndiriko nekuti mweya iyi yagara kuchechi kwedu inoshanda pamwe chete.”
Murume uyu, uyo anofara zvikuru kuti veruzhinji vave kuzoziva mashandiro ake, akaratidza vatori venhau zvose zvaanoshandisa mumabasa ake, hungwandangwanda hwemapfumo nemakano nemapakatwa, tsvimbo dzekuchechi nedzemashavi, mishonga, machira emidzimu nemagemenzi, chuma nezvimwe zvakawanda-wanda.
Muporofita Mushunje akaenderera mberi achiti: “Kana zviri zvedoro ndinonwa rose kusanganisa iko kachasu nipper, matowana nhasi risipo. Asi regai ndikusvutirei bute muone. Kana mbanje ndinobhema negonamombe rasekuru, uku ndichishandisa mvura yemuteuro nemishonga yechivanhu.
“Kana sekuru vandibata ndinodya nyama mbishi, yechiropa kana susu riine ndove yaro. Handirwariswe nazvo nekuti mudzimu uri pandiri ndewasekuru vakuru chaivo vakarwa hondo yemaDzviti kare-kare izvo zvinozivikanwa kwaMushunje nekwaMarange.”
Mufundisi kana kuti Sekuru Mushunje vane mashandiro avo akasiyana sezvo vamwe vakaita zvechivanhu kuchechi havasvike, vakaita zvechechi kuchivanhu havasvike. “Ini ndinosvikirwa naSimbanayi Mushunje baba vababa vangu. Shavi redona riripowo pandiri renjuzu, uye ngirozi yechiporofita ndinayo.
‘‘Hushe hwaMushunje hunotungamirirwa nasekuru vari pano nehwasadunhu weNdumba. Mutupo wangu iShumba Mutasa,” vanodaro.
“Mweya inosvika pandiri iyi inoda zvakasiyana izvo ndinotevedza kana mweya mumwe nemumwe wasvika. Saka muchiona kuti ndinonwa doro sereSeven Days, remumabhodhoro rinodiwa nenjuzu nekachasu. Mbanje nebute ndinoputa, ndichishandisa mupunga mubasa rangu nezviwitsi pakurapa.
“Ndinodya mazai mambishi, nyama yechitaka kana susu mbishi. Kana riri susu ndinorova nendove yaro uku ndichishandisawo mvura semuteuro. Zvakawanda sekuwanda kwemweya iri pandiri.”
Vanoti mweya wenjuzu unosvika pavari unonzi Antonio uyo wavanoti wakabva kuna tete vakashaika, Batsirai Mushunje.
“Pakafa tete vangu mugore ra1992, mweya uyu wakabva wauya pandiri,” vanodaro.
Nyama mbishi yechiropa neyesusu vanoti vanodya zvemombe nembudzi chete.
“Asi ropa handinwe, zviri pandiri hazvidi asi ivhu ndinodya. Mweya iyi yakandibata ndiri mucheche sezvo ndisina kuyamwa mukaka waamai vangu, VaEasther Nyakuengama Masiiwa. Mukaka wavo wakangooma ndaberekwa.
“Baba vangu, VaLovemore Mushunje, vakazosarudza mombe ina idzo dzaikamwa mukaka wandakapihwa kusvika ndakura.”
Mufundisi Mushunje vanoti nekutya kuroyiwa nevamwe vehukama, vanozviitira chivanhu chavo voga, kusanganisira kuzvibikira doro rebira iro ravanoti vakagumisira kubika pakutanga kwegore rino.
Mufundisi ava, avo vasina mudzimai, vanoti vanobatsirwa nemasahwira avo vakaita saMbuya Rena Dhambe mumabasa avo.
“Mafambiro angu mubasa rekurapa ndinobatsirwa nemukuru wechechi yangu yeChiedza, Bishop Dhidhidhi Ishmael Mazikana Mushumairi, avo vanovawo svikiro guru munyika muno,” vanodaro.
Murume uyu anoti inhengo yesangano rinomirira n’anga nemaporofita, reZimbabwe National Practitioners Association (ZINPA) zvisinei nekuti pamba pake akaisa chikwangwari chinoti inhengo yesangano reZimbabwe National Traditional Healers Association (ZINATHA).
Anoti hapana chinonyadzisa kupfeka mbatya dzechivanhu achimbobvisa magemenzi nekuti ndizvo zvinodiwa nemweya iri paari.
“Mukunamata kwedu ndinotanga nekupira baba vakandibereka vozoendesawo kuna baba vavo zvichikwira kusvika kumukuru wekugumisira, vozotisvitsira kuna Musikavanhu. Pamweya yose iri pandiri ndiwo manamatiro angu, asi handisiye madzimbuya nemadzitete vakasunga mbereko.”
Mufundisi Mushunje vanoti zvose zvinodiwa pakuita basa ravo vanotenga nemari yavanotendwa nevarapwa, zvisinei nekuti vanoti vanoshandira vanhu pachena.
“Ndakasiya ndadzidziswa nababa vangu vakazoshaya, VaLovemore Mushunje, kuti ita zvako woga nekuti paukama munoroyana,” vanodaro.
Zvimwe zvinoshandiswa nemurume uyu zvinosanganisira matehwe emhuka dzakaita semhembwe nemiswe yengongoni.
Anoti kana mashave abata, anonwira mvura nedoro mumikombe, muhari kana kuisa mundiro dzemiti nedzevhu.
“Chokwadi chiripo ndechekuti vanhu vatema ngatikudzei chivanhu chedu, tochitevedza kwete kutora tsika dzevamwe nekuti pakukudza tsika dzevamwe makomborero anoenda ikoko tosara nehurombo,” vanopedzisa vachidaro.



