‘Hapana chinotadzisa Zimbabwe kubudirira’…Chechi yoronga musangano wezvemabhizimisi

Mathew Masinge
CHECHI yeAssigned Ministers Ministries International (AMMI) ichaita musangano nguva pfupi inotevera unodaidzwa kuti Business Symposium nechinangwa chekupa mukana kuzvizvarwa zveZimbabwe kuti zvipangane mazano ane chekuita nekusimudzira upfumi hwenyika. Apostle Freshman Gwasira, avo vanove mukuru wechechi iyi, vanoti gungano iri richapindwa nevari mune zvemabhizimisi akasiyana uye richaitwa musi wa24 Gumiguru panzvimbo yeLonchen Plaza, muHarare.

“Chinangwa chedu chikuru ndechekusimudzirana semhuri yeZimbabwe, tichipanana mazano pamusoro pekuti tingasimudzire upfumi hwenyika yedu sei nekuti tinotenda kuti tinazvowo zvinoita kuti isimukire,” vanodaro.

Vanoti chechi dzemunyika muno dzinofanirwa kushanda pamwe chete neHurumende nechinangwa chekusimudzira upfumi hweZimbabwe.
“SeAssigned Ministers Ministries International, tine shungu dzekuti tibatirane neHurumende tichipawo pfungwa dzine hudzamu mukusimudzira nyika yedu. “Nyika yedu izere nezviwanikwa, nekudaro hapana chinotitadzisa kubudirira,” vanodaro Apostle Gwasira.

Vanoti pamusangano uyu pachave nevatauri vepamusoro avo vanosanganisira muzvinhabhizimisi VaNigel Chanakira, VaArthur Marara, VaDavid Young naVaJona Mungoshi.

“Tichavawo nevaimbi vemuno vane mukurumbira vakaita saAmanda Sangoda naPrinces Privy,” vanodaro.
Apostle Gwasira vanoti vakavamba kuita basa raMwari mugore ra2000 apo vakatanga vachiparidza muno ndokuzomboenda kuBotswana.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *