Ndiri murume akafa ari kufamba: Mukwamba . . . Mhuri yedu ine chituko

Trust Khosa

MUIMBI akamboita mukurumbira makore adarika, Patrick Mukwamba, anoti mweya wake wakaremerwa zvakanyanya.

Anotenda zvakasimba kuti ari kushungurudzwa nekuda kwemunyama kana kuti chituko chemumhuri yake.

Shasha iyi, iyo yakanetsa nekambo “Wapenga Nayo Bonus”, ine nyaya isingaperi yekusuwa nemunyama.

Vanhu vatatu vemhuri yaMukwamba vakafa zvisinganzwisisiki uye vana vake vatatu vakamufuratira zvakare.

Vanasikana vake vaviri, anodaro, vari kunetseka kuita vana, uye mwanakomana wake mumwe chete haatauri naye.

Mukwamba anoti mushure mekugara nemukadzi wake wekutanga, upenyu hwake hwakange huri hweminyama yoga yoga.

Mukuedza kwake kutsvaka mhinduro kuupenyu hwake hwaive hwamunetsa, Mukwamba haachaverengi kumaporofita nekumwe kwaakaenda achivavarira kuwana rubatsiro.

Pamakore ake makumi manomwe nemasere okuberekwa, anonzwa kupera simba nokuda kwekuteverwa kwaanoti anoitwa nemweya yetsvina.

Muhurukuro neZimpapers Arts and Entertainment Hub, Mukwamba anoratidza kuti ari kusangana nemoto wegehena pasi pano.

“Ndiri kufamba ndiri mufi,” anotura befu Mukwamba, uyo anozviti munhu asingazivi runyararo.

“Ndinoziva kuti vanhu vakawanda vaneta nenyaya dzangu, asi handiregi kuvaudza kuti ndiwane rubatsiro nerimwe zuva. Semurume, ndakaedza kugadzirisa matambudziko angu pamweya, panyama uye kuburikidza nemazano angu asi ndakundikana pane zvakawanda.”

Chituko

Mukwamba anotenda kuti akapihwa chituko achiri mudiki mushure mokunge baba vake, Lawrence, avo vanove mushakabvu, vaunza munyama mumhuri yavo.

“Baba vangu, Lawrence, ndivo vandinopomera mamwe matambudziko edu mushure mokunge vatsvaga mushonga weraki,” anodaro muimbi uyu.

“Vakanga vari mupfumi; vaiwana mari yakawanda kubva kukambani yavo yokuvaka sakondirakita, asi pavakafa, vakanga vasina chaigona kuratidza kuti vaive mupfumi. Mashandisiro avaiita mari yavo haanzwisisiki; hapana chavakatisiira kana vazukuru vavo,” anodaro Mukwamba.

Iye zvino anotenda kuti mhuri yake iri kuripira zvitadzo zvababa vake.

“Ini ndini ndega mwanakomana mupenyu, uye rufu rwevamwe vandakaberekwa navo vose runoramba rwusinganzwisisiki. Hanzvadzi yangu huru, Sophia, akarwara nechirwere chisinganzwisisiki, ndokuzoshaya muna 1999. Ndaiva namukoma, Edward, aive mukuru wechikoro kuKariba. Akafa gore rakapera mushure mekurwara nepfungwa.

“Tine fungidziro yokuti akaroyiwa sezvo aiita semunhu arasika njere. Ndaive nemunin’ina ainzi Clever, uyo akafa mushure mekurwiswa nemurwere wepfungwa apo aifamba munzira achienda kumba muna 2015,” anodaro Mukwamba.

“Handizivi kuti chii chichaitika kwandiri, asi maporofita ose atakamboona anobvuma kuti nyaya yangu haina kumira zvakanaka. Kupera kwesvondo rino ndiri kuenda kunotsvaka rubatsiro kune vemweya nokuti mamiriro ezvinhu andikurira.

“Ndakaudzwa kuti kune mweya uri kunditevera kwese kwandinoenda kuti nhamo izove zita rangu repakati.”

Muimbi uyu anopomerawo mudzimai wake mushakabvu, Winnie Genia, mhosva ye”kumuviga ari mupenyu”.

“Ndakasangana naye kwaMverechena Growth Point, uko kwandaimboita mashoo, ndikamuroora aine mwana. Ndakatenga imba kuUnit K, kuChitungwiza, iyo ichiri muzita rangu, asi handikwanisi kuendako,” anodaro Mukwamba.

“Asati afa muna 2004, akandiudza kuti akamboenda kune imwe n’anga uye kuti handifi ndakawana runyararo paimba iyi. Nokuda kwekutyira upenyu hwangu, ndakazongobuda ndisina kana chinhu.

“Munhu ari kugara pamba pangu pari zvino mwanasikana wemudzimai wangu, uyo akakurudzira muroja wepo kuti andirambidze kusvika pamba pangu. Chinondirwadza ndechokuti ndakasiya magwaro emba (title deeds), mbatya nemimwe midziyo uye handikwanisi kuenda pamba pangu.”

Kunyengerwa

Anoti vana vake chaivo havana chekuita naye.

“Pandinofunga nezvevana vangu vatatu — mwanakomana wangu Percy, akaberekwa muna 1974, Linda (1978) naRudo (1982) — ndinobva ndasvimha misodzi.

“Percy akaroora uye haatombondichengeti, asi vanasikana vangu vaviri vari kunetseka kuti vaberekewo vana.

“Chokwadi, mamiriro angu ezvinhu akaoma nokuti ndinogara ndichizvibvunza mibvunzo yakawanda,” anochema-chema achidaro.

Mukwamba anoti pose paanowana vanoda kumutsigira uye aine zvaanenge achida kuita maerano nebasa rake, nharembozha yake inobva yatanga kusashanda zvakanaka apo anenge achida kutaurirana nevanhu vacho.

“Dzimwe nguva pandinoedza kuvafonera ndinoshaya mhinduro, handikwanisi kupomera mhosva yekusashanda zvakanaka kwemasaisai nokuti izvi zvave nemakore zvichingoitika. Ndinofonerwawo nemakasitoma emhiri kwemakungwa, asi pese pandinoda kudaira nharembozha yangu inodzima.  Ndave panguva yandinofunga kuti vanhu vakaipa. variko” anodaro.

Muimbi uyu anowana zororo muimba ine kamuri imwe yaanogara pachena semuchengeti kwaRusape.

“Ini handibhadhari rendi pandinogara sezvo muridzi wemba akandipa basa rekuchengeta nzvimbo iyi. Kana akachinja pfungwa, chokwadi ndinenge ndiri mumigwagwa yekwaRusape ndisina kwekuenda,” anodaro achizama kudzora misodzi kuti isabude.

Mukwamba ava kutsvaga rubatsiro rwezvemweya uye mari.

“Ini handikwanisi kutaura nemunhu wose wose kuti andibatsire pari zvino nokuti vamwe vave kunditi ndakambova muimbi, vamwe vachiti ndakafanana nemwana anogara achingochema.

“Pari zvino, ndinoda rubatsiro rwezvemweya uye mari nokuti mamiriro angu ava kundikanganisa.

“Mudumbu mangu mave nemavanga anonzi ari kukonzerwa nemweya  isingaonekwi inonditevera, iyo inonzi mabvuri muChiShona.”

Achibvunzwa kana asisina tarisiro yekudzokera kumba kwake kuChitungwiza, anopindura achiti: “Kutaura chokwadi, ndinoda kudzokera ikoko asi ndiri kutyisidzirwa nemwasikana wemudzimai wangu. Nguva pfupi yadarika, ndakaenda kukanzuru yeChitungwiza, ndikaudzwa kuti ndini ndichiri muridzi wemba. Pandakapedzisira kunotora rendi ndemuna 2004 uye munogona kuona kurasikirwa kwandakaitwa,” anodaro Mukwamba.

Anoti ari kuzama kudzoka mune zvemimhanzi asi anonzwa kunyengedzwa nevanhu vakawanda vaakashanda navo, kusanganisira mushakabvu mutungamiriri weFour Brothers, Marshall Munhumumwe.

“Ndichiri kuda kuita zvemimhanzi, asi ndichiri kurwadziwa naMarshall Munhumumwe, kunyangwe akafa.

“Akaparadza upenyu hwangu! Akandishandisa kwemakore ndikaramba ndakanyarara, ndichitarisira kuti achashanduka kusvika aparara. Pari zvino ndange ndichiedza kutangazve mashoo neSeasons Band, asi hapana chiri kuenderera mberi.”

Related Posts

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Mwanakomana oda kuuraya amai, hanzvadzi

Tendai Gukutikwa MURUME wekuWatsomba, kwaMutasa — uyo anonzi ave nemakore akawanda achishungurudza amai vake pamwechete nehanzvadzi yake achivapomera huroyi nekuvimbisa kuvauraya — nyaya yake yakaendeswa kumapurisa naMambo Mutasa mushure mekuona…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×