‘Ndokusaka wakaitiswa mwana nasekuru vako

Tatenda Shuro
MUKADZI wemuHarare — wekuendesa murume wake kumatare edzimhosva achiti ari kumushungurudza — akazoshaya pekupinda nenyadzi mushure mekunge afumurwa kuti akapihwa pamuviri nasekuru vake, hanzvadzi yaamai vake, asi iye ndokuzonyepa kuti mwana waakabara aive wemumwewo murume.

Elizabeth Jasi ndiye ainge amhan’arira murume wake, Luke Manani, kuHarare Civil Court.

Jasi anoudza mutongi wedare iri, Tafadzwa Miti kuti: “Mambo wangu, uyu murume wangu asi anondirova nekundivharira gonhi ndichirara panze ndiine mwana ane makore mana.

‘‘Akakiya gonhi mangwanani ndinosvika manheru pasina chandadya nemwana.”

Jasi anoti murume wake anomuvharira panze nekuti anoti haachamuda.

“Chikonzero chaanoitira zvose izvi ndechekuti anoti haachandida, ndinofanirwa kudzokera kumba kwedu. Zvose izvi zvinokonzereswa nekumubata kwandakaita kuti akapfimba muvakidzani wedu.

“Akandiudza kuti haundiudzire zvekuita, hausi mubereki wangu kana amai vangu vakatonditadza. Ndipo pakabva patanga zvekushungurudzwa,” anodaro Jasi.

Achipawo divi rake, Manani anoti ane dambudziko nechikumbiro chaJasi kudare.

“Ndinopokana nezvinotaurwa naamai ava nokuti pakatangira nyaya paive pakuti ini ndakamuroora aine mwana wake uye akangonditi mwana uyu ndewe mumwewo murume.

‘‘Asi chokwadi chakazoputitswa naambuya vake mushure mokunetsana nasekuru vake hanzvadzi yaamai, kwava kunzwa kuti mwana uyu ndewasekuru vake,” anodaro.

Anoenderera mberi: “Zvose zvemwana aingoramba, ndipo pandakamutora kuenda kwasekuru vake uye havana kusvikotenderera sezvo vakataura kuti mwana ndewavo. Ndipo pakatanga dambudziko mumba medu zvokuti mumwe wangu akange ave kudzoka mumba nguva dzaada uye ndikamubvunza opindurawo zvaanoda.

“Kumudzinga pamba handina, asi mumwe musi akadzoka manheru ndikamubvunza kwaaibva iye akanditi usandibvunze izvozvo, hazvinei newe. Ndipo pandakamuti kana zvisinei neni chidzokera, iye ndokubuda akaenda.”

Manani anoramba zvakare mashoko emudzimai wake ekuti anomuvharira panze husiku pamwechete nemwana.

“Zvaanoreva zvokuti ndinomuvharira gonhi ari panze inhema, handina kumbomukiira panze,” anodaro.

Mutongi Tafadzwa Miti akapa Jasi gwaro redziviriro.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *