Mwana wechikoro akapondwa

Kingstone Mapupu
MUKOMANA ane makore 22 okuberekwa uyo anga achiita Form 6 paZengeza 2 High, kuChitungwiza, ari kunzi akafa mushure mekurwisana nezvibhakera nemumwewo mukomana wemunzvimbo iyi zvichitevera kunetsana kwavakaita pamusoro penyaya yekuseka kwaanonzi akange aita sahwira wake uyo airwara nezino.

Assistant Inspector Webster Dzvova, avo vanova mutevedzeri wemutauriri wemapurisa eZimbabwe Republic Police mudunhu reHarare, vanotsinhira nezvekufa kwaPhillip Marahwa uyo anonzi akafa mushure mekunge arwisana naJimalo Jam (17) svondo rakapera.

Vose vaviri ava vanga vachigara mumusha weZengeza uye vaizivana.

Musi uyu Marahwa anonzi aifamba neimwe shamwari yake iyo yairwadziwa nezino apo Jam anonzi akazotanga kuseka achisvotesa murwere uyu.

Marahwa anonzi haana kufadzwa nemaitiro aya ndokubvunza Jam kuti aisekerei murwere.

“Jam anonzi akashatirwa ndokuudza Phillip Marahwa kuti kunyange aiseka mumwe wake airwara nezino, iye hapana izvo aikwanisa kumuita. Anonzi akabva atanga kurova nyakuzofa uyu achishandisa ibvi apo aimurova mudumbu nemumusoro akaita zvekumudhonzera kwaari uye anonzi akazomusiya aona kuti akanga amukuvadza,” vanodaro Asst Insp Dzvova.

Marahwa anonzi akazoedza kufamba kubva pachibhorani chepaLimbani chiri muZengeza 5 apo pavakarwira achida kuti aende kuchipatara, asi akatadza zvikazoita kuti atakurwe nevabereki vake apo vakamuona achitadza kufamba. Vakazomuendesa kuchipatara cheChitungwiza Central Hospital.

Zvinonzi mushure mekumbogara muchipatara ichi, Marahwa akazofa kuburikidza nekurohwa uku.

Nyakupomerwa kuponda anonzi paakaona kuti apara mhosva iyi, akabva atiza munzvimbo iyi uye ari kutsvagwa nemapurisa nemeso matsvuku.

“Chikumbiro chedu kuruzhinji ndechekuti vatibatsire kuti mukomana uyu abatwe, ngavamhan’are kumapurisa ari padyo navo kana vangomuona. Tiri kumutsvaga nemaziso matsvuku,” vanodaro Asst Insp Dzvova.

Kuburikidza nenyaya iyi, mapurisa ari kuyambira veruzhinji kuti kana vachinge vatadza kuwirirana, ngavatsvage vayananisi vakaita sevanhu vakuru munharaunda, vadzidzisi, mapurisa, mafundisi, makanzura kana vamwe vanoremekedzwa.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *