Ndowanepi mushonga weraki?

MAKADIIKO tete?

Ini ndiri mukomana ane makore 28 ekuzvarwa, amai vangu vakafa uye baba handivazive. Ndakarerwa mumusha mavana sekuru, kwakaberekwa amai vangu.

Kuchikoro ndakaendeswa nemadzisekuru ndikabuda zvakanaka.

Asi dambudziko rangu nderekuti ndiri kushaya basa. Ndinokumbirawo kuti munditsvagirewo godobori rinondipa mushonga wekuti ndiite raki. Ndatambura tete, dai ndaiziva baba vangu pamwe zvaiita. Ndine shungu dzekuti ndichengetewo vanhu vakandichengeta asi chekubata handina.

Ndinosvika rinhi ndichingochengetwa?

T. Chamunorwa.

Karoi.

 

MHINDURO:

Dambudziko rekushaya basa harisi rako wega muzukuru, kune vanhu vakawanda avo vakabuda zvakanaka muzvidzidzo asi vasiri kushanda.

Zvako iwe zvangovedzerwa nekuti uri nherera.

Ndinogarokurudzira kuti murume nemukadzi vakaita mwana, vamuratidze kumusha kwake.

Saka zano randingakupa muzukuru wangu nderiri: Muchengeti wemunhu wose ndiMwari, kunyangwe vabereki varipo.

Iwe shingirira kunamate kuna Mwari kuti rimwe zuva achakukomborera ukawana basa.

Vana sekuru vako vakaita zvakanaka vakakudzidzisa, kunetsa kwemabasa chete uchariwana.

Kunyangwe vane vabereki vapenyu vari kushaya mabasa, usati ukaita dambudziko wofunga zvakadzama.

Ukazvitarisa muzukuru vanhu vazhinji vari kuomerwa neupenyu.

Nyatsokurukura nana sekuru vako zvakanaka dzimwe nguva vanoziva kumusha kwababa vako.

Izvo zvekuti dai wawana mushonga weraki ndazvibva zvabuda mupfungwa dzako nekuti hazvibatsire.

Kana uchimbozvinzwa munhau, kune vamwe vana vechidiki vave kutambudzwa nezvinhu zvemishonga yavanenge vakaromba asi yozovapandukira pava pashure.

Tenda kuti Mwari achakutungamirira zvikaita pasina kana kushandisa mushonga.

Tete.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×