Godwill Macherera
TINODA kukorokotedza varimi vose vakashandisa mbeu dzeSeed Co mumwaka wekurima uchangodarika uyu.
Zviri kufadza chose zviri kutaurwa nekupupurwa nevarimi pamusoro pekunaka kwembeu dzinobva kuSeed Co.
Tinogarotaura pamusoro pekushingirira zvakanyanya kunoita mbeu dzeSeed Co muzuva, pazvirwere uye dzichipa goho guru.
Hachisi chokwadi kuti kukatarisirwa mvura shoma mune zvemamiriro ekunze varimi vobva vanzi SC 727 kana SC 719 hadziite zvakanaka.

Ruzhinji rwevarimi vari kuenda nomufaro nezvavakakohwa mumwaka wanga wakaona uyu.
Chinoita kuti goho rembeu dzeSeed Co rive remberi ndechekuti miguri yacht mirefu, iine mitsara yakawanda zvichizozadziswa netsanga dzakazara uye dzakakura idzo dzinonyatsony’ura mumuguri.
Izvi zvakazadzikiswa nekupupura kwakaitwa naVaMarecha vekuMusengezi.
“Ini ndinodada chaizvo nembeu yeSC727 Nzou yeSeed Co.

“Ndakaita dry land asi chinoshamisa ndechekuti chibage chakaramba chiri green, chakareba zvose nekusimba kwedzinde racho sechaidiridzwa asi kuti chaingoshingirira muzuva remwaka wataive nawo.
Miguru yacho inokurara uye mitsara pamuguru wega wega ine 18 kana 16 mazitsanga acho ari mazihombe uye akanyura mumuguri apa guri racho idete dete.
Pane mumwe munda watakohwa kusvika pari zvino pahekita rimwe chete paiburitsa matani 11 muzuva imomu.
“Mushonga mukuru kuita winter plough uye kuchenesa minda pasora. Nesarudzo yembeu kwayo yeSeed Co murimi anoita matutu matutu echibage pachivanze chake.
“Kwete kuita madanha nemiguri yemundiro asi chivanze chose,” vanodaro VaMarecha.
Murimi uyu ari paFarm 75 Msengezi Small Scale, kuChegutu.
Kuti Seed Co ndiko kuti mbeu kuti mbeu ndiko kuti Seed Co.
Panguva ino tiri kuti varimi gadziriro yemwaka yatotanga saka batai varimisi venyu veSeed Co avo vakatekeshera nenyika mubatsirike pakuwana mbeu yepamusoro yeSeed Co pasina kubirwa kana kutsotswa.




