Zvinhu zvinoda kutaurirana

naWedzerai Nhemachena

PAMUSHA, pakambani kana padunhu panoita njake-njake vanhu vakasataurirana kuti vari kuda kuita zvipi.

Munhu anogara ari oga ndiye angatadze kutaurirana nemumwe nokuti zvaanoita nezvaanobata zvinobata iye chete.

Asi pakangozoita mumwe munhu waunogara naye, waunoshanda naye, kana wawakavakidzana naye, zvava kutoda kuti vanhu vataurirane nokuti zvaunoita, zvaunobata nezvaunotaura, zvinobata waunogara naye, waunoshanda naye kana muvakidzani wako.

Zvino kuti vanhu vasagare vachifungidzirana zvisiri izvo, vanoda kutaurirana.

Kutaurirana kunoita kuti vanhu vazivane, vanzwisisane zvavanoda, zviri kuitika, nekupana mazano kana zvikonzero kuti sei vaita izvi kana izvo.

Vamwe vanhu vanosvika pakuvengana chaiko mumba kana pamabasa asi vaine zvinangwa zvimwe chete, asi nokuti havataurirane, havagone kugoverana zvinangwa zvavo. Vamwewo ndevanoparadza dzimba dzavo nekusataurirana zvavanoda nezvavasingade kune vadiwa vavo.

Saka ukasataurira mudiwa wako zvaunoda nezvausingade, angazvizive seiko?

Kana kuri kumabasa, mumwe anongobuda muhofisi make achienda kwaafunga, pamwe ndezvebasa chaizvo zvaari kufambira, asi ukasaudza vamwe, vanonetseka kuziva kuti uripi kana mukuru webasa kana hama yako chaiyo ichida kukuona.

Zvino, tarisai kutambudza kwaunenge wava kuita vamwe nekusataura kwauri kuenda.

Kutaurirana chinoita sechinhu chidiki chisina basa, asi ndiwo musimboti wezvese mumhuri, mukambani kana mudunhu ratigere.

Kuri kumabasa, kambani ine ma”departments” akawanda.

Naizvozvo zvinoitwa mudepartment rimwe chete zvinobata rimwewo.

Saka tikarega kutaurirana semadepartments, kambani inorasikirwa nemari yakawanda, uye vanhu vemadepartments vanogara vari kungosimudzirana matemo nguva zhinji. Kana muri munyika, vanhu vakasataurirana vanosimudzirana mapfumo zvotadzisa nyika kubudirira.

Vanhu vasingakurukurirane havafare mumusha, mukambani kana munyika. Kukurukurirana hakusi kuudza vanhu zvekuita chete, asi kugara pasi nekunzwisisana pfungwa dzingadai dzakasiyana nedzako mukuru webasa pamusha, mudunhu kana mukambani.

CHENJEDZO

Vanhu vakasakurukurirana mumusha, mukambani kana mudunhu, zvinhu hazvifambe zvakarurama, kana chiri chikafu, hachichadyika, kana muri mukambani, injini yemichina inotadza kushanda kana vashandi vasingafare pabasa.

Naizvozvo dare rino rinoti ngatiedze kutaurirana pane zvose zvatinoita nezvatinobata mudzimba dzedu, kumabasa kwedu nemumatunhu atinogara.

Wedzerai Nhemachena ndigodobori wezvefundo (PhD Business Management; MBA Corporate Strategy and Economic Policy; ne BA English & Communication Studies). Anobata nemauniversity akawanda muZimbabwe.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×