‘NHABVU INODA PAINE VATSIGIRI’

Abel Ndooka

MUTAMBI wechikwata chenyika cheZimbabwe Warriors necheYeni Malatyaspor chekuTurkey, Teenage Hadebe, anoti nhabvu hainakidze kutamba munhandare isina vatsigiri.

Mwaka wenhabvu weTurkish Super Lig – uko Hadebe ari kutambira – unotarisirwa kudzoka mumasvondo ari kutevera.

Mitambo mizhinji pasi rose yambenge yakamiswa nekuda kwechirwere cheCovid-19 icho chaurauya vanhu vakawandisa. Asi kutanga masvondo achangodarika, kune dzimwe nyika nhabvu yava kuita ichidzoka asi ichitambwa munhandare dzisina vatsigiri.

Muhurukuro dzange dzichiitwa kuTurkey, pane fungidziro huru yekuti mitambo yenhabvu yeko inogona kusimudzira musi wa12 Chikumi.

Achitaura neKwayedza ari kuTurkey, Hadebe anoti ari kufara kuti nhabvu yave kudzoka asi anoti zvikwata zvinofanirwa kugadzirisa pavanotambira kuti pange pakachena uye pakachengetedzeka panyaya dzeutano.

“Kunyangwe hangu ndiri kufara kuti tave kudzoka kuzotamba nhabvu zvekare, asi zvandaona nekudzidza zvange zvichityisa. Vanhu vari kufa kunze uko, saka tinofanirwa kunge takachengetedzeka uye takangwarira tichitevedzawo mutemo nekurudziro dzeveutano.

“Ndanga ndasuwa nhabvu yangu nekuti ndiyo inondichengeta, saka ndiri kutarisira kutamba zvakanaka zvekare,” anodaro.

Kunyangwe zvazvo achiti ari kutarisira kudzoka kwenhabvu, Hadebe anoti zvichamuremera kutamba munhandare dzisina vatsigiri sezvo iye ange ajaira kutamba pamberi pechaunga chevanhu.

“Tajaira kutamba nhandare dzakazara nevatsigiri vachitikuza. Zvino izvi zvitsva kwandiri, saka zvichandiremera nekuti vatsigiri vanotipa manyuku-nyuku ekutamba zvakanaka.

“Asi totongojaira zviripo nekuti pakupera kwezuva tinofanirwa kubata basa, uye tiine utano,” anodaro muchinda anoti kana achitamba kumashure kwechikwata chemaWarriors uyu anoita zvekusunga chishwe chaicho.

Svondo richangodarika nhabvu yakatanga kutambwa kunyika yeGermany asi munhandare dzisina vatsigiri.

Mimwe yemitemo yakaiswa mitsva ndeyekuti vatambi venhabvu havachatenderwa kukwazisana nemaoko uye kana vakanwisa, pakupembera havabvumidzwe kumbundirana.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×