Nettleton: varimi vemangwana

Ed1
VAMWE vevana vepaNetttleton Junior School vachiona zvirimwa papurazi reNew Donnington Farm, kuNorton.

Malven Mugadzikwa
VANA vepachikoro cheNettleton Junior School, muHarare svondo rapera vakashanyirwa purazi reNew Donnington Farm, kuNorton nedonzvo rekusimudzira zvidzidzo zvavo zvekurima.Izvi zvinotevera danho rakatorwa neHurumende rekuti vana vepuraimari vachitange kuita zvidzidzo zveAgriculture zvizere.

Papurazi apa panorimwa zvirimwa zvakasiyana pamwe nekupfuiwa mombe, huku nezvimwe zvipfuyo.

Mumwe wevarairidzi vaiva nevana ava, Mai Rusbie Maeza, vakati vanotora chirongwa ichi senzira yekuti vana vadzidze kuburikidza nekuona mamiriro ezvinhu chaiwo kwete kungoperera mukuverenga mabhuku bedzi.

“Chidzidzo cheAgriculture chine chekuita nemabasa emawoko, saka kuti vana vedu vanzwisise, vanofanirwa kuita chidzidzo ichi vachiona.

Bazi redzidzo gore rino rakakurudzira kuti vana vepuraimari vatangise kuita chidzidzo cheAgriculture.

“Chinangwa chedu chikuru ndechekuti vana vedu vazive zvavari kudzidza kuburikidza nekuzvionera. Vana vakaona zvirimwa zvavari kudzidza nezvazvo nemarimirwo azvo zvinovabatsira kuti zvizovaitira nyore pakudzidza pamwe chete nepakunyora bvunzo. Chidzidzo chekurima chakatotorwa sechechishanu kuwedzerwa pazvidzidzo zvina zvanga zvagara zviripo kare,” akadaro murairidzi uyu.

Zvidzidzo zvagara zvichiitwa kupuraimari ndezvinoti Shona/Ndebele, English, Content neMathematics. Maneja wepapurazi iri, VaOnias Forichi (50), avo vanova mumwe wevakadzidzisa vana ava marimiro avanoita, vanoti vakafara zvikuru nechirongwa chekushanya kwevana ichi sezvo zvichiita kuti vakure vachikoshesa kurima.

“Ini ndava nemakore masere ndichishanda pano papurazi asi handina kumboona vana vadiki kudai vachiuya vachida kudzidziswa kurima. Chinhu chakanaka zvikuru, kunyanya kuvana vechidiki kudai, sezvo zvichizokura zviri mavari kuti vazovewo varimi vamangwana.

“Ndinoshuvira kuti dai zvikoro zvese zvemunyika zvaidaro pakupedza kwevana zvikoro zvinhu zvaibatsira zvikuru nekuti zvinoitawo kuti vana vazhinji vafarire zvekurima,” vakadaro vaForichi.

Mashoko avo akatsinhirwa nasection manager (Horticulture Section Damside), VaSaidi Mhurai, avo vakati: “Tine shuviro yekuti vana vechikoro varambe vachiuya kuzoona marimirwo anoitwa nekuti nyika yedu upfumi hwayo huri mukurima.

“Kuuya kwavo kunoramba kuchitipa manyuku-nyuku ekuti tienderere mberi sezvo tinenge tichiziva kuti zvatiri kuita chidzidzo kuvana vedu vari kukura uye vachazova varimi vamangwana.”

Vana ava vakadzidziswa zvakawanda pamusoro pekurima zvakaita semasimirwo anoitwa mbeu dzemhando dzese dzemuriwo nematomatisi. Vakadzidzawo zvakare kupfuiwa kwehuku dzenyama, dzemazai, kuchengetwa kwemombe nemashandisirwo anoitwa michina yakasiyana-siyana yekurimisa.

 

Related Posts

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×