Zvishavane Stars yaomerwa

Sp5
VACLIFF Matenga

Kingstone Mapupu
CHIKWATA chebhora cheZvishavane Stars icho chiri muDivision 1 chotsvaga rubatsiro rweUS$10 000 rwekuti chikwanise kufambira mberi nemutambo wenhabvu sezvo chakatarisana nedambudziko guru rekushaya mari. Mutevedzeri wasachigaro wechikwata ichi, VaCliff Matenga (40), vanoti pari zvino zvinhu zvakavaomera nekudaro vari kutsvaga rubatsiro.

“Chikwata chedu chinorakidza ramangwana rakajeka zvikuru nekuti tine vechidiki nyanzvi mumutambo wenhabvu, dambudziko ratakatarisana naro hatina mari yekutenga zvinodiwa saka chikumbiro kunyika yose,” vakadaro

VaMatenga. Vanoti havana nhumbi dzekutambisa nhabvu pamwe nezvimwe zvakaita semabhora acho.

VaMatenga vanoti vaimbobatsirwa kare nemumwewo muzvinabhizimisi wemuZvishavane.

“Izvozvi mari yekuti tipotewo tichipa vatambi vedu hatina yekuti vakwanisewo kurarama, vazhinji vavo havana dzimba dzekugara vanodawo pekugara uye chekufambisa chaicho kana tichienda kumitambo yedu hatina motokari. Ose aya matambudziko akatarisana nechikwata chedu anodawo kuti tibatsirwe,” vakadaro.

Zvakadai, VaMatenga vanoti vari kufamba muzvikoro zvakasiyana kuZvishavane, kumaruwa akakomberedza anoti Chivi, Mberengwa nekumwe vachitsvaga vana vechikoro vane zvipo zvebhora vachivabatsira mukusimudzira matarenda avo.

“Mari ikawanikwa tinoda kuti munguva yezororo tipote tichitora vana ava tichivadzidzisa hunyanzvi hwebhora uye nekufamba kwenguva hurongwa hwedu ndehwe kuzovaka chikoro chinodzidzisa bhora chete cheSoccer Academy,” vakadaro.

Zvakadai, chikwata chavo chine vatambi vanokwana makumi matatu pamwe chete.

Kune vanoda kubatsira chikwata ichi vanogona kuridza nhare panhamba dzinoti 0772 987 082, votaura naVaMatenga.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×