NGANO: Tsumo nengano namukanya

Mhinduro yesvondo rapera:
Tipe tsumo inoenderana nekarungano aka:
TSURO akaita hushamwari naRwaivhi. Tsuro aishamisika nekushanduka mavara kwaiita Rwaivhi. “Iwe, unozviita sei kuti zvidaro? Ndinodawo kupinduka ruvara,” Tsuro akabvunza mumwe wake.
Rwaivhi akati pwati kuseka akati, “Ndakazvarwa ndakangodaro shamwari. Tese kwaRwaivhi tinongopinduka saizvozvi. Handigone kukudzidzisa kushanduka mavara nekuti ini ndiri rwaivhi, iwe uri tsuro. Zvipo hazvifanane shamwari, saka vakuru vakati, “. . ., upfumi hahuna kuenzanwa.”

. Tsumo yacho: Chakaenzanwa ibvudzi, upfumi hahuna kuenzanwa.
* * *
Svondo rino:
Tipe tsumo inoenderana nekarungano aka:
RIMWE gore Mhembwe akadanana naNjiri. Tsuro akati kuna Mhembwe, “Washaya mukomana kwaye here asina mazino akabuda panze?” Mhembwe akati, “Njiri ndinomuda akadaro Tsuro.”
Nzou akati, “Njiri ane mhopo, zvakare anogara akasviba nguva zhinji.” Asi Mhembwe akati, “Imi, ndisiyei kani. Ndasarudza zvandinoda.”
* * *
Mhinduro svondo rinouya.
. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×