O-LEVEL — MANYAMBIRA: Bopoto repachipari

Munyaradzi Gunduza
SVONDO rino tinopedzisa mamwe madingindira makuru anobuda muna Manyambiri. Dingindira rerudo: Panowanikwa rudo rwakadzama pakati paNduramo naPaidokwairiramwoyo. Tinozviona Nduramo paanorambidza baba vake, Mambo Njeremavhu kuti vatande mhuri yaRufuse mudunhu ravo achiti zvaizokonzeresa kuti naiyewo atetereke.

Nduramo anorambidzazve baba vake kuti vauraye Paida sezvo zvaizoita kuti mudiwa wake Paido azviurayewo. Kune rimwe divi, tinoona Paida achizama chaizvo nepose paaigona kuti aroorwe naNduramo asi zvichiramba.

Dingindira rebarika: Rufuse akanga aine barika rinove raigara rakakonzera bongozozo kana kuti mheremhere pamusha pake. Tinoona kuti Shayamano naNyadziso anove madzimai madiki aRufuse akanga achivenga zvikuru vahosi, Ndakasemwa zvinove zvaiita kuti vagare vachipopotedzana uye kurwa.

Mambo Njeremavhu anonzi akanga ainewo madzimai akawanda aisanganisira vaBhavheya avo vakanga vazvarira mambo nevanji aizotora humambo pakufa kwavo.

Rimwe dingindira guru rinobuda murungano urwu nderekuchengetedza humambo. Mambo Njeremavhu vanonhenhaira zvikuru nechinangwa chekuti humambo hwavo husaparara. Tinonzwa kuti vakanga vaita madzimai aivazvarira vanasikana chete kusvikira vazotora vaBhavheya vakavapa mwanakomana, Nduramo.

Zvimwe chete zvinobuda apo vanenge vachifarira kuti Nduramo awane mudzimai wake uye agomuzvarirawo mwanakomana. Izvi zvaiita kuti vazofa vachiziva kuti nyangwe zvodini, dzinza ravo rehumambo haraizoparara.

Aya haasiriwo ega madingindira anowanikwa muna Manyambiri. Mamwe acho munogona kuzvitsvagirawo mega.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×