Ngatishandisei ivhu zvizere: Shiri

Abel Ndooka
GURUKOTA rezveminda, kurima nekusimudzirwa kwemadiridziro – Retired Chief Air Marshal Perrance Shiri – vokurudzira varimi kuti vashande nesimba kuti Zimbabwe idzokere padanho rayo rakare rekuve dura rezvirimwa mudunhu reSadc.

Vachitaura pagungano rekumema zvirimwa zvembeu inouchikwa neAgriseeds kuOld Mazowe svondo radarika pamberi, Rtd Chief Air Marshal Shiri vanoti zvakakosha kuti varimi vashandise ivhu zvizere.

“Varimi zvose takakupai saka tiri kushaya kuti muri kukoniwa papi, ngatisevenzei nesimba tigutse nyika yedu uye nedunhu rose reSadc. Tiri kutambisa ivhu, ivhu ngarishande chaizvo riunze maguta. Vamwe vari kushuvira kuwana mapurazi amunayo aya kuti varime asi vari kumashaya saka imi makaita rombo kumawana shandisai ivhu iri nemazvo murime zvinogutsa nyika yose,” vanodaro Rtd Chief Air Marshal Shiri.

Vanoti varimi vanofanira kuvandudzawo dzidzo yavo yezvekurima nekuenda kunoona zvinenge zvichiitwa nevamwe mumapurazi akavapoteredza.

“Itaiwo muchienda kune mamwe mapurazi muchinoona kuti vari kurima sei. Endaiwo munoita zvidzidzo zvakasiyana zvekurima muzvivandudze uyewo pamapurazi enyu pinzai vanhu vane ruzivo rwekurima mabasa kwete kungotora chero munhu.

“Zimbabwe inyika ine vanhu vakadzidza saka kudzidza uku ngakushande mukurima zvakare,” vanodaro.
Vanorumbidza Agriseeds nekuuchika kwairi kuita mbeu izvo zviri kuvandudza goho revarimi.

Zvisinei, Rtd Air Marshal Shiri vanoti makambani anouchika mbeu anofanira kutangawo kuuchika mbeu yemupunga.
“Gore rega-rega tiri kuburitsa mari yakawandisa tichitenga mupunga saka isu ngatitange tega kurima mupunga muno. Agriseeds tangai kuuchika mbeu yemupunga, varimi vanoti vanozvigona movapa nekuti ivhu munaro mvura munayo,” vanodaro.

Vamwe vaive pagungano iri vanosanganisira Zimbabwe Prisons and Correctional Services Commissioner-General, Retired Major-General Paradzai Zimondi.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×