Ticha orohwa vana vechikoro vakayeva

Janet Chari
MUDZIMAI anoshanda semurairidzi anoti haana rugare nekuda kwekatsika kari kuitwa neaimbove murume wake uyo anomuvinga kuchikoro kwaanodzidzisa achimurova pamberi pevana. Edith Musumhi akamhan’arira Kudzanai Gumende kudare reHarare Civil Court achiti ari kumufurufusha nekumurova pamberi pevana vaanodzidzisa, izvo zviri kumubvisa chimiro.

“Akatombouya kubasa akapinda mukirasi akandikwevera panze ndokundirova zvekuti vana vose pachikoro havasisina rukudzo kwandiri,” anodaro Musumhi.
Anoti haadi kuti Gumende asvike kumba kwake kana kumufonera.

“Anofona zuva nezuva achindituka uye ndikatadza kumudavira anouya kumba kwangu achiita ruzha. Vavakidzani vangu havachafari nazvo uye zvave kukanganisa magariro angu nevamwe,” anodaro Musumhi.

Anoti nyaya iri kunetsa pakati pavo ndeyeimba yaari kugara iyo yaakatenga achiri musikana, asi Gumende ari kumuti anofanira kuitengesa vogovana mari yacho.

“Anonditi tengesa imba tigovane mari nekuti waiva mukadzi wangu saka imba ndeyedu tose,” anodaro Musumhi.
Gumende anopikisana naMusumhi achiti haana kumbobvira amushungurudza uye paari kunzi akaenda kubasa kwake aida kudobvunza kuti vana vari sei. “Ndakatongopfuurawo nepabasa pake ndichimubvunza kuti vana vari sei nekuti tine vana tose, kunyangwe zvedu takarambana,” anodaro Gumende.

Anoti ndiye akaendesa Musumhi kuchikoro kuti azova nebasa raanaro saka pose paanomuona anofunga kuti achabvunza nezvemari yake yaakashandisa achimudzidzisa.

“Anoda kushandisa dare nekuti anotya kuti ndichamubvunza mari yangu yandaishandisa paari kuti ave zvaari nhasi,” anodaro Gumende.

Mutongi Manasse Musiiwa akapa Musumhi gwaro redziviriro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×