Ngozi yadya vanhu 50. . . mweya waKuzipa wozipirwa neropa

Tendai Gukutikwa ari kwaMUTARE

NGOZI yemudzimai wekwaMambo Zimunya, kwaMutare — uyo akauraiwa nemwanakomana wake mukuru — yamuka chibhebhenenga uye kusvika pari zvino yauraya vanhu 50 vemumhuri iyi.
Ava makore 44 mhuri yekwaMujaji isiri kuwana rugare nekuda kwemweya wengozi yaMaeni Kuzipa uyo ari kuda kuripwa.

Bayai Oswald Mujaji, uyo akashaya kare, ndiye anonzi akauraya amai vake nechinangwa chekuti arombe mishonga ine chekuita nekuwana upfumi mushure mekunge audzwa kuti aite izvi neimwe n’anga.
Muzukuru waBayai, Moses Mujaji, anoti pari zvino vanhu 50 vafa nekuda kwengozi iyi uye mhuri yose yekwaMujaji inogona kupera kana nyakupondwa akasaripwa.

“Mweya waKuzipa pawakatanga kutaura wakatiudza kuti Oswald ndiye akaenda kun’anga achibva audzwa kuti abaye munhu kana ani zvake anenge abuda pagirazi raainge apihwa. Kuzipa akabva abuda pagirazi riye izvo zvakaita kuti Oswald amubaye nebanga, saka paakasvika kumba akatowana amai vake ava vafa,” anodaro Moses.

Mweya waKuzipa wakatanga uchibudira pamwanasikana waBayai anonzi Ennah uye pari zvino wava kubudira pane hanzvadzi yaMoses inonzi Doreen.

Zvinonzi vari kufa mumhuri yekwaMujaji vanongorwara kwenguva pfupi.

Vamwe vevakashaya nekuda kwengozi iyi ndiKarakadzai, Richard, Muriel, Farai, Kingston Jnr, Genius, Mufaro, Taona Nasibhera, Abigail Musiringofa naSimbarashe Mujaji.

“Huwandu hwevakafa hwakakura, vanasekuru vangu vakaparara zvakare. Tiri kufa nehuwandu hwedu asi vana vaOswald havasi kuda kuuya kuti tiite mushandirapamwe tipedze dambudziko iri. Tinoda kusunungurwa kubva kumweya uyo uri kutitambudza siku nesikati,” anodaro Moses.

Pari zvino nyaya iyi yava mudare raMambo Zimunya, VaKiben Bvirindi, uye iri kutarisirwa kuenderera mberi nekutongwa munguva inotevera sezvo vamwe vemhuri yekwaMujaji vasina kuuya kudare svondo rapera apo yaifanirwa kuzeyewa nezvayo.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×