Nhabvu yekumaruwa yosimudzirwa

Abel Ndooka

VATAMBI venhabvu vechidiki vanobva kunzvimbo dzakasiyana-siyana, kunyanya kumaruwa, vari kuwaniswa mukana wekusimukira mumutambo uyu kuburikidza nechirongwa cheZimbabwe National Sports Promotion for Economic Development (ZimSports4ED).

Svondo radarika, zvikwata zvenhabvu zvinodarika 96 zvakaungana paLord Malvern School, muHarare, apo zvaikwikwidza pamutambo uyu.

Mukuru wenhabvu kuZimSports4ED, Lloyd “Mablanyo” Chigowe,  anoti chinangwa chavo sesangano kupa mikana kune vatambi vakasiyana-siyana wokuti vasimukire mumutambo uyu.

“Isu chinangwa chedu kuti tipe mikana kune vatambi venhabvu vanobva kunzvimbo dzakatsaukana-tsaukana munyika yedu.

“Kune vana vakawanda vane zvipo vari kumaruwa, avo vasingambotariswi nguva zhinji, saka isu tinoda kutenderera kusvika kunzvimbo idzodzo, topa vana ava mikana yokuti vatambe bhora tichivaona. Sezvamunoziva, bhora riri kuraramisa vanhu vakawanda,” anodaro Mablanyo.

Anoenderera achiti: “Urongwa hwedu kuti tive nechikwata chakasimba icho tinozopota tichitumira kunze kwenyika chichinotamba nezvikwata zvakasiyana-siyana. Mukudaro, tinenge tichishambadza vatambi vedu kuti vaonekwe nezvikwata zvikuru zvokunze, izvo zvichabatsira kuti vagotengwa.”

Zvakadaro, Mablanyo anoti paurongwa hwavo hwose hwavachaita, vanoda kutanga vamboita hurukuro nesangano reZIFA, vonyorerana pasi kuti vagopihwa mvumo yokuita basa rekusimudzira nhabvu munyika.

“Utungamiri hwenhabvu munyika iZIFA, naizvozvo isu tinoda kugara navo pasi, tovarakidza muono wedu watinoda kufamba nawo, tozonyorerana pasi tabvumirana,” anodaro.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *