‘Njere dzevana dzinoda kuongororwa’

Daphne Machiri —
MUKURU wedzidzo kudunhu reManicaland (Provincial Education Director), VaEdward Shumba vanoti zvakakosha kuti muzvikoro muve navanamazvikokota vezvemashandiro enjere – psychologists – sezvo izvi zvichizobatsira mudzidzo yevana.

Muhurukuro neKwayedza, VaShumba vanoti

mudunhu ravo vane mapsychologist vanotenderera muzvikoro vachiongorora hunhu hwevana nenharaunda dzavanofundira kuti dzakakodzera here.

“Nguva nenguva tinoendesa mapsychologist muzvikoro vachinoongorora hunhu hwevana vachitarisawo nyaya dzakaita sedzeSatanism. Asi dambudziko riripo nderekuti vana vanoenda muzvikoro zvine zvitendero zvakasiyana, naizvozvo vabereki vanofanirwa kuziva zvikoro zvavanoendesa vana vavo sezvo vachisungirwa kuzotevedza mitemo yepachikoro ipapo.”

VaShumba vanoti nguva yadarika pachikoro cheBiriri Secondary School, kuChimanimani pakaita dambudziko revana vaingopera simba vachiita sevabatwa nemamhepo (hysteria).

“Izvi zvakatanga mwedzi waChikunguru gore rino apo vamwe vana vepaBiriri Secondary School vakatanga kunzwa kuneta miviri vachipera simba. Mumwe wevana ava musikana weForm 4 akaendeswa kuchipatara cheMutambara Mission Hospital akanzi aiva nespinal infection ndokurapwa akatopona asati adzokera kuchikoro.

“Mutemu yechipiri, pakaitwa minamato yekuchenura nevekereke inoona nezvepachikoro apa, yeUnited Baptist Church,” vanodaro VaShumba.

Vanoti vanasikana ndivo vari kunyanya kusangana nedambudziko rekuita kunge vabatwa nemamhepo iri.

Vanoyambira makomiti anomirira vabereki, emaSchool Development Committees, kuti asiyane netsika yekutora maporofita kana vanatsikamutanda kuti vachenure zvikoro vachiti hazvitenderwe nemutemo.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×