Nyasha Mutena
VANA mapatya vekuChitungwiza vanonzi vari kurarama upenyu hwehunhapwa zvichitevera kushungurudzwa kwavari kuitwa nababa vavo naamainini.David Zavari pamwe nemudzimai wake, Shelter Shindi (26), avo vanogara panhamba 3788 Unit D, vanonzi vanoita majana ekushungurdza vana Godknows naPaida Zavari, avo vane gore nemwedzi mipfumbamwe yekuberekwa.
Amai vemapatya aya, Beauty Tigere, vanonzi vakasiyana naZavari uyo ave kugara naShindi semudzimai wake.
Shindi anonzi anoswedza vana ava nenzara achiti vakadya chikafu chakawanda vanozoita tsvina, zvichizomupa basa rekuvabvisa tsvina iyi pamwe nekuwacha manapukeni.
Shindi ane vana vakewo vatatu vaanogara navo pamba apa avo akaita nemumwe murume.
Kwayedza svondo rapera yakaenda kumba kuri kugara vana ava ndokuwana vakamomoterwa nenhunzi, dzimwe dzichiita sedzichavapinda mukanwa. Vane mavanga nezviratidzo zvekuti utano hwavo huri pakanyangara.
Muhurukuro naShindi, anoti hapana zvaanokwanisa kubatsira vana ava nazvo sezvo iye aine vakewo vana “vanoda kuchengetwa”.
Shindi anoti hunhu hwemapatya aya hwamukandisa mapfumo pasi sezvo “vachiita kunge mafuza nekuti vakasiiwa panzvimbo kuti vatambe habvepo kusvikira vabviswapo”.
“Vana ivava vanoita kunge vakashandasirwa mushonga, kupusa kwavo kwakanyanya,” Shindi akaudza Kwayedza.
Nekune rimwe divi, baba vacho Zavari anoti haagutsikane kuti mapatya aya vana vake chaivo nekuti panguva yaakasangana naTigere, akashandisa dziviriro. Anoti ane fungidziro yekuti Tigere akanyepa kuti mapatya aya vana vake.
“Zvinorwadza kuti mukadzi uyu (Tigere) ndakamubata nemumwe murume kare asi ndikamuregerera, handina zvandakakwanisa kuita,” akadaro.
Vana ava havagone kufamba vakatwasuka sezvinoitwa nevamwe vezera ravo uye pavanenge vagariswa havasimuke.
Miviri yemapatya aya inoratidza kuti vane dambudziko, kunyanya pazvekudya zvinovaka muviri.
Kwayedza yakataura nevamwe vavakidzani vaShindi naZavari avo vakati vana mapatya ava vari kushungurudzwa.
Mai Muchada Adam (35) vanoti mapatya aya ari mupfumvu chaiyo. Vanoti Zavari dzimwe nguva anomboshevedzera kuti: “Zvivana zvakanyangara kudaro zvinenge zvigoritoto”.
Vana ava, vakadaro Mai Adam, vanonyimwa zvokudya pamwe nemvura yekunwa chaiyo, zvisinei nekuti vebazi reSocial Welfare vanovapa zvokudya nema“pampers”.
Vanoti chinovashamisa ndechekuti havana kana zuva rimwe chete ravakamboona vana ava vakapfekedzwa ma“pampers” uyezve dzimwe nguva vanoona chikafu chinobva kuSocial Welfare chiri kumarara.
“Maita henyu (kureva Kwayedza), imi matotumwa naMwari. Vana ava vaoneswa pfumvu ivo baba naamai vavo vari vapenyu. Vana ava vakashaya mubatsiri vanofa manje-manje nekuti mukadzi ari kuvachengeta ane moyo wakaoma,” vakadaro Mai Adam.
VaElliot Mujuru (44), avo vanogara panhamba 3833 makare muUnit D, vakatsinhira mashoko aMai Adam.
Mumwezve wemunharaunda, uyo akangozviti Mai Monica, vanotiwo Zavari naShindi vanofanira kusungwa nekuda kwekushungurudza kwavari kuita ndumurwa idzi.
Shindi akazoudza Kwayedza kuti kana nyaya iyi ikangobuda bedzi, vaibva vanoramwira vana ava kumapurisa achiti kuvachengete mutoro kwavari.
“Ini handina kana hukama nevana ava zvekuti dai pasina kuti ndakaroorwa ndava mvana ndaizvisiya ini. Handingagarire zvakaora kudaro,” akadaro achikanda mawoko mudenga.
Hanzvadzi yaZavari, Molleen Zavari, anoti haana zvekutaura zvakawanda kunze kwekungoti, “Shindi nemurume wake vane hutsinye hwakadarikidza”.
Vatori venhau vakaona mavanga ane vana ava ndokuratidzwa rinoita sekunge sare nemaronda ari kunobuda netsvina kwavo.




