Muzukurusikana oda kudzika mbuya demo

Garnet Zvimba
MUZUKURU wekunzi anogara achivimbisa kuuraya ambuya vake achiti varoyi akazochechuka amiswa mudare nemuchembere uyu.Christina Ndlovu akaudza mutongi weHarare Civil Court kuti aoneswa chitsvuku nemuzukuru wake, Christina Kaseke, uyo anogara akamubatira demo pamwe chete nemapanga.

“Ndauya kuno kudare kuti ndiwane gwaro rekuzvidzivirira kubva kuhondo yemusikana uyu. Ndine dambudziko reBP, zvino chirwere ichi hachidi ruzha.

“Musikana uyu anoita zvekushandira (kunamatira pachipositori) saka anoita ruzha paanenge ave kuita ndimi dzake. Ndikamuti itira ruzha pasi anobva atanga kundituka nemashoko asina kufanira, ekuti mamwe acho handikwanisi kuataura muno mudare. “Anogara achindipumha huroyi achiti ndini ndakauraya baba vake saka anoda kunditema nedemo. Mazuva mazhinji tikasara tingori vaviri pamba handitombobudi panze, ndoswera ndakazvivharira mumba nekuti anenge akandimirira nedemo panze.

“Mumwe musi munin’ina wake akauya kumba vakandibatsirana kundidonhedzera pasofa munin’ina wacho akaburitsa banga achida kundibaya,” akadaro. Chizvidzivirira, Kaseke akati nyaya inonetsa ndeyekuti ambuya vake vanoterera makuhwa.

“Ambuya ava vanonetsa kuti pavanouya kumba vachibva kumusha vanoterera nyaya dzemakuhwa apa ini ndinenge ndichitarisira kuti vatigadzirise semunhu mukuru. Zvino ini hazvizondiitiriwo zvakanaka ndoguma ndagumbuka nekuti ndinenge ndichitarisira kuti vatienzanise semunhu mukuru,” akadaro.

Mutongi Ruth Kamangira akati Kaseke achengetedze runyararo pakati pake naNdlovu nguva dzose uyezve ambuya ava vatore matanho ekudzinga muzukuru wavo pamba apa kana akaramba achivashungurudza.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×