Nyaya yekuponda yakora muto

Kingstone Mapupu
MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) anoti akasunga mumwezve munhu nemhosva yekuponda harahwa yekuMasvingo – iyo inonzi yakafa mushure mekurohwa kwemazuva maviri nevehukama ichipomerwa kuroya.

Mhozva iyi yakaparwa mubhuku raMasherema kwaSadunhu Gororo, kwaChivi svondo rapera pamberi.

VaFidelis Musindo Mandava (72) vanonzi vakapondwa pajekerere nehama dzavo dzaisanganisira varume nevakadzi avo vaichinjana kuvapura nemhuro vamwe vachitorana mavhidhiyo emhosva iyi.

Vamwe vanhu vanonwe vanoti Aton Musindo Mandava (42), Gift Mandava (48), Edwin Mandava (23), Nyembesi Samu (36), Taurai Hwengwere (42), Benard Mandava (63) naSvodai Tarisai (32) vakasungwa svondo rapera nekuda kwenyaya iyi.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMasvingo, Chief Inspector Charity Mazula, vanoti pavaviri vainge vatiza mapurisa – Pamela Mandava naPatience Sibanda Mandava — Patience akazosungwa.

“Mushure mekuferefetwa kwenyaya iyi nemapurisa ekwaChivi, vakazokwanisa kusunga Patience Sibanda Mandava. Pamela Mandava tichiri kumutsvaga kuti atarisanewo nemhosva yaari kupomerwa yekuponda aine vamwe vake. Tinoramba tichikumbira kune veruzhinji kuti vatibatsire pakubatwa kwemudzimai uyu, vane ruzivo nezvake ngavamhan’are pakamba iri pedyo navo,” vanodaro Chief Insp Mazula. Vanhu vasere vakasungwa ava vanonzi vari mutirongo kwaChivi vachimirira kupinda mumatare edzimhosva.

Zvichakadai, mutumbi weharahwa yekupondwa iyi unonzi wakazovigwa kumusha kwavo kwaGororo, kwaChivi.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *