Kingstone Mapupu
NYAYA yemurume anozviti muporofita, uyo ari kubuda pamadandemutande achiruma kambwanana nemazino kusvikira kafa, oshandisa ropa rako pakurapa vanhu varipo, yakonzera mutauro, izvo zvaita kuti masangano anomirira vanachiremba vechivanhu apindire.
Muporofita uyu, uyo asina kukwanisa kuzivikanwa nezita rake kana kwaanobva, ari kubuda pane imwe vhidhiyo ari pamberi pevanhu achiruma kambwanana aka kusvikira kafa.
Mushure mekuuraya kahanda aka, muporofita uyu anobva atora ropa rako, achiita mhiko dzinotaridza kuti ari kurapa vanhu.
Kambwanana aka kanotaridza kuti kakarwadziwa zvakanyanya apo kakaurayiwa nemuporofita uyu kuburikidza nekurumwa nemazino.
VaGeorge Kandiero, vanove mukuru weZinatha (Zimbabwe National Traditional Healers’ Association), vanoti zvakaitwa nemuporofita uyu hazvipindirani nebumbiro remutemo resangano ravo pamwe chete nemutemo wenyika kuti varapi vanoshandisa mhuka kana zvimwe zvipfuyo vachizvirwadzisa mukurapa kwavo.
“Kubva patanga kubuda vhidhiyo iyi, isu seZinatha tiri kuridzirwa nhare nevanhu vakasiyana-siyana vachibvunza kuti maporofita ave kubatsira vanhu nenzira yakadaro here? Nyaya iyi yakasvika kumapurisa. Nokudaro, tiri kushanda navo kuti tione kuti munhu uyu asungwa, atarisane nemitongo yake kumatare edzimhosva,” vanodaro VaKandiero.
Vanoti pamutemo wavo, sanachiremba vechivanhu, vanofanirwa kuonekwa senyanzvi mumaitiro avo ebasa, nokudaro avo vanotsaudzira vanofanirwa kurangwa maringe nemutemo.
“Iwewo munhu kana waenda kunoshandirwa uchiona pachiitwa zvinhu zvakafanana nezviri muvhidhiyo iyi, zvakangonaka kungosimuka uchienda kwawabva pane kumirira matakanana akadai. Vazhinji vevanhu vakadai zvikatsvagiwa zvinoonekwa kuti havana magwaro ekurapa anobva kuZinatha nekuHurumende nokuti tinopa varapi vedu dzidziso yezvinodiwa mubasa ravo,” vanodaro VaKandiero.Bishop Cuthbert Nyaruvenda, vanove mukuru weZimbabwe National Practitioners Association (ZINPA), inomirira varapi vechivanhu zvakare, vanotsinhira mashoko aya vachiti munhu uyu anogona kunge asiri muporofita, achitotsvaga mbiri yokuda kubira vanhu mari neimwe pfuma yavo.
“Maporofita nen’anga dzeminana vari kuwanda, saka ikurudziro yedu kuti vanhu vangwarire kana vachida kunobatsirwa kune vanhu vakadai. Zvakanaka kuuya kwatiri, tovapa varapi vane matsamba. Nhubu dzakadai idzi dzinotisvibisa mazita, nokudaro ngaasungwe murume uyu,” vanodaro VaNyaruvenda.
Vanoti vanhu vakadai ndivo vanogumisira vaenda kudzimba dzevanhu vachinokanda zvinhu zvakaita sezvidhori nenyanga dzemanyepo nezvimwe, vachitora pfuma yevanhu pachena, pasina kurapwa kwavaitwa.
Zvakadai, Zimbabwe National Society for the Prevention of Cruelty to Animals iri kukurudzira kusungwa kwemuporofita uyu.
Nechinangwa chokuti murume uyu asungwe, rinoti riri kupa mubairo weUS$1 000 kune achaunza mashoko kusangano iri nekumapurisa kuti murume uyu agone kusungwa.
Vane zvavanoziva maererano nemuporofita wekuruma imbwa uyu vanokurudzirwa kuridza nhare pachena panhamba dzinoti 08004370, 0772 696 311 kana pa0787975900



