Nzira dzekukanga hove

Muchaneta Chimuka

HOVE dzine mapuroteni anobatsira mukuvaka muviri uye kudzivirira zvirwere mumuviri.Dzikanyatsokangwa zvakanaka, hove dzinonaka zvekuti ukaravira muto wehove, hauzomboda kudzirega. Svondo rino tinopihwa nzira mbiri dzemabikirwo ehove naMai Gaylord Munatsi vekuSunningdle 2, muHarare.

Zvinodiwa:

Wana hove muzvitoro zvakanyoreswa zviri pamutemo senzira yakuchengetedza utano hwemhuri. Dzimwe hove dzinotengeswa pose-pose dzinokwanisa kukonzera zvirwere nekuti vanodzitengesa havakoshese hutsanana.

Para hove kusvika dzachena pamwe nekudzitumbura. Dzigeze dzichene wosiya dzichioma kana kudziisa mufurawa. Kanda hove mumafuta anopisa wopindura mushure memaminitsi matatu ega-ega. Kana dzaibva, dzinoonekwa nekutsvukira. Bika supu parutivi uchishandisa matomatisi, hanyanisi neRoyco.

Mamwe mabikiro:

Tora hove dzawapara pamwe nekugeza.Dimbura muzvidimbu zvitatu pahove imwe chete.

Fashaidza hove pamwe chete nematomatisi, hanyanisi, munyu nemafuta zviri muzvipimo zvakafanira kwemaminitsi mashanu.

Usaregedza dzichinyanya kuibva kana kudzipindura-pindura nekuti dzinodambuka.

Kana dzaibva, unoona dzichiita muto wakakorera.

Unogona kudzidya nesadza jena, rezviyo kana nemupunga uye masupajeti.

 

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachinyorwa chino panhamba dzinoti +263 773 394 753

 

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *