Nzvimbo dzeForm 1 Chishanu chino

ZVIKORO zvose zvichapa vana nzvimbo dzeForm 1 dzegore rinouya nemusi weChishanu chino, 4 Zvita, zvichishandisa zvakawanikwa nevana ava pabvunzo dzeGrade 7 dzeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec). Izvi zvakaziviswa negurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora.

Muchinyorwa chakabva kubazi iri, Dr Dokora vanoti kutorwa kwevana veForm 1 kuchaitwa nomusi wa4 Zvita asi munguva inotevera vakuru vanoona nezvedzidzo ndivo vachange vachisarudza mazuva akakodzera.

“Bazi redu rakaona kuti zvimwe zvikoro zviri kutora vadzidzi veForm 1 kuburikidza nekuvanyoresa bvunzo dzema’entrance tests’.
“Kutorwa kwevadzidzi veForm 1 kuchaitwa mumazuva ekushanda, mazuva manomwe mushure mekubuda kwezvakanyorwa mubvunzo dzeGrade 7 apo pazvinenge zvaziviswa zviri pamutemo neZimsec kana sekufambiswa kwazvinoitwa nemunyori mukuru webazi rino gore negore. Kutorwa kwevana veForm 1 vegore ra2016 kuchaitwa nomusi weChishanu, 4 Zvita 2015,” vanodaro Dr Dokora.

Izvi zvinotevera kunyunyuta kwanga kuchiitwa nevabereki nenyaya yemari inodiwa nezvimwe zvikoro kuti vana vanyore bvunzo dzekuti vawane nzvimbo dzeForm 1.

Dzimwe dzenguva zvikoro zvainyoresa bvunzo idzi vadzidzi 500 apo mumwe nemumwe wavo achibvisa US$20 zvisinei nekuti chikoro chinenge chiine nzvimbo dzevadzidzi 100 bedzi.

Dr Dokora vanoti mari yekunyora ma”entrance tests” iyi haina kukodzera kubviswa uye maitiro aya ane rusarura nekudaro Hurumende yakatozivisa zvikoro zvose kuti katsika aka karegerwe.

“Vamiriri vezvikoro vakatotambira magwaro anorambidza katsika aka. Kuita uku kune rusarura uye kutyora bumbiro remutemo wenyika Section Number 20 of 2013 Section 563 neEducation Act Section (4) (1) ne4)(2)(b),” vanodaro Dr Dokora.

Dr Dokora vanoti vakuru vezvedzidzo mumatunhu ose, vakuru vezvikoro, zvikoro zvakazvimirira nezviri pasi pemachechi vose vanofanira kutevedza chisungo chebazi ravo ichi. – The Herald.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *