“MUNHU WENYAMA” Ongororo: Enderero mberi: Kudimikira kushoma muchitsauko ichi. Kwekutanga tinosangana nako apo VaMugoti naMbuya Muswa vari kukurukura iyo inotiratidza kuti vanasikana vemunharaunda mavo vachiri vana vadiki apo zvinonzi naVaMugoti vagoonekwa vachindundurudzana “nemwana ane mukaka pamhuno” (94).
Iyo nhamo iyi haisi yekutamba nayo kana kuita zvekujairirana nayo, Mbuya Muswa vanozviburitsa kuti VaMugoti vanozowana nhamo huru chaizvo kana ivo vafa izvo vanoti, “handiti unoitamba tsvuku pano?” (99). Monica madyiro ayo anoita zvekudya pamba paVaMugoti anoratidza kuti mwanasikana akadya zvakawanda zvikuru izvo zvinonzi, “Akaiputsa ino ndiro yesadzo ndokunwira mvura pamusoro.” (102)
“NDINIWO HERE?” naPrecity Mabuya
Nyaya yacho:
VaMhlope vanogamuchira tsamba inobva Harare uko vainge vasarudzwa kuve Director Marketing Services pakambani yavo. Mudzimai achinzwa izvi mumba munozara nerufaro panopera mwedzi mhuri ndokutamira Harare amai vemba avo vainge varegedza basa ravo rehurairidzi ndokusvikowana basa rehumabharani kuUnited Nations Development Agency.
Nekushanda zvine simba kunoita vadzimai, vanobva vasarudzwa kuti vanoshandira kunze kwenyika izvo zvisingafadzi baba vemba nekuti vanotya kuti mudzimai anganoita zvisina kunaka aveko, ivo vachishayiwa anovabikira. Kunyangwe zvazvo pane mukana wokuti baba vangangowana basa ikoko kana vakatsvaga, murume haazvifariri ndokuudza mudzimai kuti anoudza vekubasa kwake kuti baba vemba vati havadi.
Mudzimai anozvinyararira mangwana ndokufumonanga kubasa pasina anotaudza mumwe. Ava manheru vadzoka, baba vemba vanomutsidzira nyaya iya vachiti vainge vasvitsa here zvavainge varaira. Mudzimai haabvi apindura mubvunzo uyu asi anoti ivo baba pavakauya kuHarare, vakavaregeresa basa ravo rehudzidzisi. Zvino vazviwanira basa asi ivo tana kuramba vanozviona zvakanaka here?
Murume anombonyarara kwechinguva abaiwa moyo nemazwi omudzimai. Vanozopindura vachiti nyaya iyi vambokurukura nevamwe vavo kubasa avo vainge vavapa zano rakanaka chaizvo maererano nemukana wakadai uyo vakati chikomborero chaiunza zvakanaka. Vanotaurira mudzimai kuti vagashire basa iri, ivo panguva iyi vanombosara vachichengeta vana vozoona kuti zvichafamba sei.
Mukadzi anotadza kubvuma zvaaudzwa, munhu ndokunzwikwa ozvibvunza kuti ndiyewo here angaitirwe zvakadai.
ONGORORO:
Chokwadi munhu kana waitirwa zvawainge usingafungiri, unozara nekusabvuma wogoonekwa wava kuzvibvunza kuti chokwadi ndiwe waitirwa zvakadai zvawainge usingafungiri wozadzwa nemufaro unofashukira. Musoro wenhau uyu uri kunyatsa kufambidzana nezviri kuitika munyaya.
Tinodzidzawo nezvematarisiro (attitude) anoitwa nevanhurume mudzimba dzavo. Mazwi aVaMhlope okuti, “Ho-ounera kuti ndiwe wave murume, ini ndave mukadzi?
Ndiwe unenge wonditonga, uchindiudza zvekuita?” anotsigisa pfungwa iyi.
Kusabvuma maererano nezvavanonzwa Mai Mhlope kunoburitswa nekudimikira kunoitwa apo zvinonzi, “. . . miromo ikasara padiki kusvika kunzeve” (7). Chokwadi ndiani angasaita kudaro anzwa mazwi akafanana neainge ataurwa naVaMhlope?
(Enderero mberi svondo rinouya.)



