‘Ndinotiza kurohwa nemukadzi wangu’

Yvonne Chidochashe Manyanja
MURUME wekuendeswa kudare nemukadzi wake akaudza mutongi kuti iye ndiye ari kutoshungurudzwa nemudzimai uyu zvekuti akatotiza pamusha pake mushure mekugara achirwiswa uye akambobaiwa nebanga.

Mitchell Tapfumanei akamhan’arira Rodrick Munyau kuHarare Civil Court achiti ari kumushungurudza nekumurova.

“Changamire, ndinokumbira kudzivirirwa kubva kumurume uyu nekuti ari kundishungurudza. Anouya kumba kwandiri kugara nevana otanga kundirova nekundituka. Pamwe akambouya akabvanganyura imba yese akabva aisiya yakavhurika gonhi.

“Nyaya yatiri kunetsanirana ndeyekuti asatengesa imba nekuti ndiyo iri kuita kuti tirarame. Mari yemaroja anotora achipa kumukadzi wake anonzi Amanda,” akadaro Tapfumanei.

Munyau akapokana nezvakange zvataurwa achiti iye ndiye anotofanirwa kuuya kudare kuti awane gwaro redziviriro.

Akaudza mutongi wedare iri, Gamuchirai Siwardi kuti” “Mukadzi uyu anonyepa zvemandiriri, handisati ndakamboona kunyepa kwakadaro. Kana iri nyaya yemba iri kumutokonya takagara wani pasi tikataurirana kuti ndaida mari yekutangisa zvekuita sezvo maroja ave kunetsa kuwana.

“Mukadzi uyu idambudziko chairo, pamwe ndingati itsono yakapinda nepadumbu pangu yandava kutadza kubvisa.

“Akafamba achiudza vanhu kuti ndinomushungurudza zvekuti nditori neimwe nyaya iri kumatare kutaura kuno. Pane patakanetsana nenyaya yemba akabva anditi ndimupe gupuro ndikamupa $0,25c iyo akabva anditema nayo.

“Akanditevera kumota ndichida kupinda mudhorobha ndaona kuti kutukana kwanyanya akabata chitini chizere nemvura ndokuidira pasiti rangu remumota. Ndakazviona kuti akange achida kuti ndiite hasha ndimurwise ndikamuti amai Panashe hazvina kunaka kuita zvinhu zvakadai vana vakatarisa.

“Mukadzi uyu akandirova nemahen’a, neayini akandinongedza chigero achida kundibaya pandakachidhonza achiwira pasi ndipo akabva atanga kudaidzira kuvanhu kuti vauye nekuti aiti ndakanga ndamurova. Akanga atombondibaya nebanga mavanga acho ndinawo. Saka handifungi kuti muvengi wake ndini kutaura kuno, ndakatotiza pamba nekuda kwake.”

Mutongi Siwardi akati nyaya iyi idzoke mudare zvakare.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×