Speciss: Huruyadzo pamabasa emawoko

KANA uri munhu anoda zvekushandisa mawoko kuti ange achikupa chouviri kumba nekubasa, Speciss College ndiyo mhinduro yako huru nekuti inopa zvidzidzo izvi pamizinda mikuru yayo inoti kuBulawayo neChitungwiza.

Mizinda iyi inopa zvidzidzo zvemabasa emawoko zvinobvira pane zvemagetsi (auto- electrics), kugadzira motokari, kuweredha, kugadzira mafiriji nemidziyo yekuti mudzimba munge muchifefetera (air conditioning).

Magwaro anopihwa neSpeciss College anosanganisira ayo anogona kushandiswa mukutsvaga mabasa kunze kwenyika nemuno ari pasi peCity & Guilds.

Kana ukaita zvidzidzo zvako neCity & Guilds paSpeciss College unenge wave nedzidzo yemhando yepamusoro sezvo koreji iyi yakapihwa magwaro ekupa dzidzo yakadai kwemakore akawanda.

Izvi zvinoreva kuti mudzidzi anenge achiwaniswa zvidzidzo zvake zvichibva kuCity & Guilds achizonyora bvunzo paSpeciss College.

PaSpeciss College vadzidzi vanowaniswa mikana yekuti vange vachifunda mukirasi nekuzonodzidziswawo mabasa emawoko maringe nezvinhu zvavanenge vafunda mukunyora nekutaura.

Koreji iyi ine hukama hwakanaka nemamwe makambani akaita seekugadzirwa kwemotokari izvo zvinoita kuti vadzidzi vange vachifundiswa nezveruzivo rutsva rwunenge rwuri mumaindasitiri munove mavanozoenda kunoshanda pavanenge vapedza zvidzidzo.

Kana uri munhu ane meso anofarira zvefashoni yemhando yepamusoro, Speciss College ine zvikoro zvitatu zvinodzidzisa mabasa ekusona (fashion design) zvinove zvinobatsira kuti vadzidzi vange vachitangisawo makambani avo. Izvi zvinofambirana nechirongwa cheHurumende chekuvandudza upfumi hwenyika cheZimAsset icho chine donzvo rekusimudzira zvizvarwa zvemuZimbabwe mumabasa emawoko.

Vazhinji vane fungidziro yekuti nyaya dzekusona dzinoitwa nevanhukadzi chete asi kwete sezvo kuine vamwe vanhurume vaive nyanzvi dzekusona pasi rose vakadai semushakabvu Gianni Versace, Ralph Lauren naGiorgio Armani. Speciss College ine vadzidzisi vakafundira basa vane ruzivo rwakadzama.

Kana uchida kupunduka muupenyu hwako nyoresa nhasi uwane nzvimbo yekufunda kumizinda yakasiyana yeSpeciss kuBulawayo neChitungwiza.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *