Munyaradzi Gunduza
Zvisingatendeseki murungano urwu (Toenderera mberi):
Munhu kubata nyoka nepadumbu hazvitendeseki. Izvi zvinojekeswa naKaringe paanenge ari musango neshamwari dzake vachivhima. Pavanoona zinyoka husiku, Karinge anoribata nepadumbu achirizvuva rakamutarisa rakangoburitsa rurimi asi hapana zvarinomuita.
Chimwe chisingatendeseki kuti munhu mumwe chete agorwisa mbada achiiuraya. Zvinobuda kuna Karinge paanenge ari musango neshamwari dzake vachivhima apo anenge achitenderera pedyo nemusasa wavo. Anosangana nembada yakanga yave kutomukachikira ichida kumuuraya asi anoibaya nemuseve pamwoyo ichinorovera paruware ichibva yangofa.
Chisingatendeseki kuti munhu agogara pasi pemvura kwenguva refu. Izvi tinozviona panobikwa doro rekuvigwa kwaMambo Chakaingesu zviri pamutemo. VaMatose vainge vapoterwa nemudzimu vakapinda mudziva renjuzu ndokugara pasi pemvura kwenguva refu zvekuti vakasara kunze kwedziva vakanga vototya kuti zvimwe vany’ura asi vakazobudamo vakamonera mapfupa amambo padehwe rembada.
Tinoenderera mberi svondo rinouya.
. Zvinyorwa izvi zviri mubhuku rakanzi Ongororo yeNhetembo neMabhuku Shona O-Level.
SHOKO HARIVHIKWI
Mubvunzo nemhinduro yesvondo radarika:
10. Jesca Rushwaya-Marwiro anofarira kunyora nhetembo dzine ndyaringo mukati. Tsigira pfungwa iyi nenhetembo dzake shanu dziri muna Shoko Harivhikwi. [25]
Vadzidzi zivai kuti ndyaringo kana nyn’ambo chinhu chekuti chinosetsa kana kusiririsa nekuti kazhinji chinenge chisiri chechokwadi. Munofanira kusarudza nhetembo shanu dzaJesca Rushwaya-Marwiro dzinotaura zvenyn’ambo. Tangai nekudoma pfungwa yendyaringo mozoipa tsigiro inowanikwa munhetembo.
Nhetembo dzacho; Gore rayo, Mhandu yemunhu, Madyiro adzo, Zvichasara naMunhu waro.
Mudetembo rekutanga rinonzi Gore rayo, nyanduri ari kutitaurira nezvenzara yakanga yarova gore iroro asi achishandisa ndyaringo pakuti zviri mudetembo zvinosiririsa zvikuru sepaanoti, “Matumbu akamona nenzara, asi zvakashaya basa.” Inyn’ambo chaidzo kunzwa kuti shumba yadya sora nekuda kwenzara sepanonzi, “Shumba yakafura sora.”
Ndyaringo inobuda muna Mhandu yemunhu. Zvinosiririsa kunzwa kuti mwana wechikoro akafa mushure mekubaiwa nebanga nekutemwa nemabwe sepanonzi, “Chitunha chemwana wechikoro chakanongwa chichingove mavanga-mavanga, auraiwa nebanga nematombo.” Zvinosetsa kunzwa kuti ukasiya musha wako usina munhu unodzoka wabirwa zvinhu zvese kusanganisa zvikorobho sepaanoti, “Kufamba rwendo, unowana musha rave dongo vakumba zvose nezvikorobho pakati pahwo usiku.”
Mudetembo Madyiro adzo, zvinosetsa kunzwa munhu achibvunza chipuka chisingatauri mubvunzo achitarisira mhinduro sepanonzi, “Vanashiri ndiudzeiwo anokumwairai chikafu chenyu.” Zvinosetsa kunzwa mhuka yakaita seshumba, ingwe nembada zvichinzi zvaita ushamwari nevanhu sepanonzi, “Shamwari shumba, mbada neingwe.”
Kubva mudetembo rinonzi Zvichasara, zvinosetsa kuti motokari iri kufananidzwa nendege sepanonzi, “Zimota ramudhara Mhofu rinenge ndege.” Zvinosetsa kunzwa mudhara Mhofu achiti ndiye ega munhu musvinu pavanhu vese sepanonzi, “Achizviti ndini munhu pane vamwe vanhu.”
Mudetembo rekupedzisira rinonzi Munhu waro, chinosetsa ndechekuti munhu akanwa doro anenge ava kufamba seane njere dzisina kukwana sepanonzi, “Achifamba achirasa maoko sebenzi.” Zvinosetsa kunzwa kuti munhu akadhakwa anozviwetera semwana mudiki sepanonzi, “Ariti dzvutu-u, mabhurukwa anoatotesa sendumurwa.”
Itai tsvakurudzo yemubvunzo unotevera:
11. Sarudza nhetembo mbiri dzakanyorwa naAlex Chirumbwana dzinotaura nezverudo dziri muna Shoko Harivhikwi. Zvino chitsanangura zvadzinotaura pamusoro perudo nezvidavado zvakashandiswa mudetembo rega rega raunenge wasarudza. [25]
Ndichakupai mhinduro yacho svondo rinouya.
◆ Zvinyorwa izvi zvinowanikwa mubhuku rinonzi Mhinduro Yeuvaranomwe Mabhuku neNhetembo: Shona O-Level (Revised Edition).



