Mukuwasha anorova ambuya

Yvonne Chidochashe Manyanja
MUMWE mukuwasha akaendeswa kudare reHarare Civil Court achipomerwa mhosva yekurikita ambuya, amai vemudzimai wake, pamwe nekuita katsika kekuratidza zvipfeko zvemukati zvemukadzi wake kune veruzhinji.

Ethel Musoro akamhan’arira Petros Nyazorwe kudare iri achiti anogara achimutuka nekumurova zvose naamai vake.

Akaudza mutongi wedare iri Gamuchirai Siwardi kuti: “Changamire, murume uyu ari kunditambudza, anogara achindirova, kundituka pamwe nekundirovera amai vangu. Akatotaura kuti ari kuda kundiuraya iye achibva azviurayawo asi izvi zvese handizivi kuti anenge achida kuzviitirei.

“Pamusoro pezvese izvi, anotora mbatya dzangu dzemukati achiratidza hanzvadzi dzangu nevaramu vangu. Akatombodzitora akaenda nadzo kubasa kwake kusvika svondo rese rapera saka ndinoda kuti asandishungurudza.”

Nyazorwe akaudza dare kuti chaanoziva ndechekuti akangorova Musoro mushure mekunge vanetsana uye mamwe mashoko ose manyepo.

“Pane zvose zvataurwa chinhu chimwe chete chandakaita kumurova. Pane kunzi ndakarova amai vake handizvizivi uye kutora mbatya dzake dzemukati handina, hameno kuti ari kuzviwana kupi. Handirambe hangu chikumbiro chake, ngaapihwe gwaro redziviriro kana achiona zvakamunakira,” akadaro.

Mutongi Siwardi akapa Musoro gwaro redziviriro akati vaviri ava vataurirane zvakanaka.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×