O-LEVEL — MUSEVE USIPOTSE/SHOKO HARIVHIKWI: Pondai aida rubatsiro

Munyaradzi  Gunduza

MUSEVE USINGAPOTSE
Matambudziko anowira vatambi: (Tinoenderera mberi)
Pondai anokunda dambudziko renyota paanopihwa mvura nemachinda aMambo Mupambi kuti akwanise kutaura nyaya yaakanga afambira pamberi pedare ravo.

Pondai anowirwa nedambudziko renzara. Izvi zvinoonekwa panoenda Nyamaropa kuna Mambo Mupambi achinovakumbira kuti vanzwe mashoko aPondai nekuti akanga ave kubvunda nenzara seachafira mumawoko avo. Pondai anopona nekutaura chokwadi chekuti aida rubatsiro rwemauto mushure mazvo ndokuzopihwa zvekudya.

5. Tsanangura matambudziko anowira vatambi vari muna Museve Usingapotse. [25]

Murungano urwu vatambi vanowirwa nedambudziko rekufirwa.

Izvi zvinoonekwa kumhuri yaMambo Chakaingesu yaisanganisa VaTeyendere, Karinge, VaMatose nevamwewo vedunhu vanosangana nedambudziko rekufirwa naMambo Chakaingesu mushure mekunge vauraiwa nemiseve gumi neumwe naPondai kuti agosara achipamba humambo hwavo.

Vatambi vari murungano urwu vanosangana nedambudziko rekurohwa.

(Tinoenderera mberi svondo rinouya).

Zvinyorwa izvi zviri mubhuku rakanzi Ongororo yeNhetembo neMabhuku Shona O-Level.

SHOKO HARIVHIKWI

Mubvunzo nemhinduro yesvondo radarika:

6. Ushehwedu Kufakurinani anofarira kudetemba pamusoro pedingindira rerayiro. Tsigira pfungwa iyi nenhetembo dzake ina dziri muna Shoko Harivhikwi. [25]

Mubvunzo uri kuda nhetembo ina (4) dzaUshehwedu Kufakurinani dzine dingindira rerayiro. Tanga kudoma pfungwa yerayiro wozotsigira nezviri munhetembo.

Nhetembo dzacho; Mbudzi kudya mufenje . . ., Chokwadi pachinoputsa, Bodo ndaramba naChinonzi siya ndechiri mumaoko.

Mudetembo Mbudzi kudya mufenje . . ., nyanduri anorayira mwanakomana wake kuti asapedzere mari mudoro nepfambi sezvaiitwa nemadzisekuru kana madzibaba ake sepaanoti, “Ramba kudya mufenje.” Chikuru chaari kumudzidzisa kuti asiye zvekuita madzimai akawanda sepaanoti, “Unoti nhasi una uno, mangwana una uyo, dzora unhu hwako mwanawe.” Nyanduri ari kurayira mwana wake kuti achine mukana wekushandura maitiro ake sepaanoti, “Nguva ichipo kutanga unhu hutsva.”

Muna Chokwadi pachinoputsa, nyanduri ari kutirayira tese kuti chokwadi ngachitaurwe, asi chichizosiya vanhu vachiwirirana sepaanoti, “Chokwadi chakanaka, asi ndinoti, ndokunge tine mhedziso yakanaka.”

Nyanduri anotirayira kuti kutaura chokwadi chinoputsa hakusi kuita rudo nekuti vanhu vanosara vasisina kugara zvakanaka sepaanoti, “Chokwadi chinoputsa harusi rudo, hutsinye.” Nyanduri anotidzidzisa kuti chokwadi chinopesanisa hachina kukosha kudarika ukama sepaanoti, “Hazvibatsire kureva idi, tichisara tisingaendi kudzimba dzehama.”

Kubva muna Bodo ndaramba, nyanduri anotirayira kuti tidzidzise vana vedu mitauro yekwatinobva kwete yevamwe sepaanoti, “Waamai mutauro ndiwo, achadzidza, kuhwereketa kumucheche nechingezi, ndaramba.” Nyanduri ari kutidzidzisa kuti tisafurirwe kutsaurana nenhoroondo yekwatinobva sepaanoti, “Zvenyu zvekuti, rambai dzinza, ndaramba.”

Nyanduri anotirayira kuti tinofanira kugara tichifarira mazita edu kunyangwe akadzikisirwa sepaanoti, “Zvekunditi shandura zita rako marwadzo, ndati kwete.”

Muna Chinonzi siya ndechiri mumaoko, nyanduri anotirayira kuti tisazvipedzere nguva nekutsiura vanhu vasingadi kusiya zveupfeve nekusada chikoro nekuti ndozvavari sepaanoti, “Chinonzi regedza, ndochiri muruoko, kutumburana nazvo munotopera.” Nyanduri anotidzidzisa kuti tive netariro yekuti munhu anopfeva neasingade chikoro achasvika pakupengenuka sepaanoti, “Tinongovimba kuti muridzi wazvo achapengenuka.”

Sarai muchiita mubvunzo unotevera:

7. Nhetembo dziri muna Shoko Harivhikwi dzinoti yaSolomon H. Munorevesa inonzi Vazukuru neyaBlessing Magodo; Rega ndikubaire zanhi ndedzerayiro. Zvino chiburitsa fanano nesiyano yadzo wakanangana nezvadzinoreva uye mashandisirwo ezvidavado. [25]

Ndinokupai mhinduro yacho svondo rinouya.

  • (Zvinyorwa izvi zvinowanikwa mubhuku rinonzi Mhinduro Yeuvaranomwe Mabhuku neNhetembo: Shona O-Level Revised Edition).

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×