Vahosi nanyachide vaburana

Kudakwashe Chinokuya
VAHOSI nanyachide vakatosvorana nekuda kweshanje dzekurwira murume zvakazoita kuti daka ravo iri risvike kumatare edzimhosva.

Chipo Nyarungwe akamhan’arira vahosi vake, Farai Joramu, kuHarare Civil Court achiti haana rugare.

“Mai vari apa mudzimai wemurume wangu wekutanga. Vanogara vachindirova ini nemwana wangu vachiti ndiri kuvavhiringidza rudo nababa vatinogara navo. Kana baba vangoenda kubasa chete ini nevana vangu tinoitwa kanyama-kanyama. Ndauya kudare kuno nekuti handisisina rusununguko nevana vangu pamba apa,” akadaro Nyarungwe.

Akati Joramu akarambana nemurume asi anoramba achimanikidzira rudo.

“Ini ndakatanga kugara nemurume gore rapera, maiguru vanogara kumusha asi vakarambana nemurume kare. Vanouya kumba votanga kunditukirira nevana vangu. Ndava kutotya nekuti vanogona kundirongera zvakashata,” akadaro.

Joramu akapokana nemashoko aya achiti achiri kudanana nemurume uyu.

“Zviri zvekuti ndakarambana nemurume manyepo. Ini nemurume wangu tinodanana asi iye ndiye anotivhiringidza. Mushure mekunge ndaenda kumusha ndipo paakauya kuzogara kumba kwangu nevana vake kureva kuti ivo ndivo vakauya kuzotora murume wangu.

“Pandinoda kutaura nemurume vanouya vachitikanganisa. Ini nemurume tinotoita zvechivande kuti titaure tose. Ndinotoda kuti atsvagirwe kumwe kwekugara,” akadaro.

“Nyaya yatakapokona ndeyekuti ane utsinye kuvana vangu saka akatanga kundirova ndakamudzorera. Vana vangu ndiye anogara navo asi machengetero aanovaita handiafarire. Haabvumire kuti vana vangu vaende kuchikoro.”

Mutongi Barbra Mateko akati vari ava vadzoke kudare zvakare apo kutongwa kwenyaya yavo kuchaenderera mberi.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×