O-LEVEL — NDIKO KUSASANA: Mugadzi naSekai vanotukana, nyaya yaLily ndokubuda

CHITSAUKO 5 (Nyaya yacho: Enderero mberi)
Zuva iri Sekai ari kufara apo Mugadzi anosvika manheru ndokuwana vana vari bhishi kuseka vachidzidziswa naamai wavo masvomhu. Apo Mugadzi anokotama achida kuratidza mukadzi wake kuti aifara nezvaaita, anonzwa achinhuhwa hwahwa asi anoshaya kuti obvunza achiti chii.

Mugadzi anoenda mukamuri kunoverenga mari asi atosviba moyo. Paanodzoka anokotamazve achibva anzwa doro kunhuhwa ndokubvunza kuti hwahwa huri kunhuhwa kupiko mukadzi ndokupindura achiti kana achingohuda ngaataure vatume Sarudzai kunohutenga. Anoti kana achida doro anonwa asina kutaurira munhu.

Sekai anomubvunza kuti zvino hwahwa hwacho hwaari kunzwa huri kupi, Charles ndokutsigira achiti kana iye anzwawo kunhuhwa kwedoro. Mugadzi atoshatirwa ndokuti saka iye naCharles vari kunyepaka uye zvinoreva kuti iye Sekai ndiye ainge anwa hwahwa.

Mugadzi anoti angoti bedzi ari kunzwa kunhuhwa kwehwahwa iye Sekai ava kungopenge-penga zvisina musoro. Ndipo pavanotanga kupopotedzana zvekuti Mugadzi anozotuka Sekai achiti, “Iwe chembere zvayo yapera basa”. Izvi zvinorwadza Sekai zvekuti anotiwo, “Unofunga kuti kahure kako kekuMarondera kanoshamisira here?”

Kupopotedzana uku kunoita kuti Masimba asimuke opinda mumba make. Mugadzi awana mukana wekutaura zvaanoda kwawa kuti kahure kacho kangatouya ipapo remangwana racho chairo kana Sekai aine nharo. Sekai anodzorera achiti kana zuva iroro anogona kuenda zvakare.

Mugadzi anosviba moyo zvekuti anobva apfeka sutu, mumotokari pindikiti akananga Marondera apo anoona Lily hasha dzake dzose ndokubva dzapera.

Vanogara mumotoka zvavo vachitamba zvavo vamwe vanhu vakadzimara varara Lily asati aenda. Atokanganwa zvainge zvataurwa nababa vake kuti akurumidze kudzoka. Anozoenda kumba kwatove pakati pousiku. Zvavaive vataurirana mumotokari naMugadzi zvinomupa simba rekusaterera vabereki vake.

Mugadzi anotangisa tsika yekuti kana apedza basa onanga Marondera asina kutombosvika kumba, mari vachiverenga vose naLily, nechekunowo zano rekuba kiyi dzesefa Mugadzi akadhakwa riri kuendererawo mberi, nzendo dzekuZengeza dzichiwedzerwa.

Mugadzi naSekai vaizosangana pakurara, kwete kusangana semukadzi nemurume uyewo murume akange asisanyanyi kudya pamba. Nekufamba kwenguva, kwapera mwedzi mitatu Lily anobata pamuviri.

Rimwe ramazuva anotauraira Mugadzi uyo anoti hapana chinotyisa, kana angopedza kosi svondo raitevera racho obva atuta twake ouya kumba kwaMugadzi.

Lily anotaurira Mugadzi kuti anoda vana vake izvo zvinofadza murume. Mugadza anoona ari iye asara nemhosva yekunyepera Lily kuti kumba kwake kwaive kusina mukadzi uyo aida kuramba asi hameno zvaingomubata.

Lily anosvikira pakuroorwa Sekai achiripo baba vaMugadzi ndokudaidzwa kubva kumusha kuti vazoona mukadzi mutsva.

Ambuya vaMugadzi havafari nazvo nekuti muzukuru wavo azvipinza mumatambudziko makuru.

Lily paanosvika Marimba haabvumi zvaanoona. Anozoona Sekai naMugadzi vachipinda mumba ndokubva aziva kuti aive atambwa yakaora.

Amai Gatsi hanzvadzi yaMugadzi, inogumbuka zvikuru, uyowo Lily achidemba kakawanda kuti deno asina kubvuma kurara naMugadzi.

(Enderero mberi svondo rinotevera.)

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×