Varairidzi 20 000 vachasiya mabasa

VARAIRIDZI vanodarika 20 000 avo vasina kufundira mabasa vangangorasikirwa nemabasa mugore riri kutevera apo Hurumende iri mushishi kuzadzikisa magwaro ekusimbaradza kushanda kwemhando yepamusoro kune fundo mukati, gurukota rezvedzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora vanodaro.

Vachitaura vari paPrestige High School, kuCowdray Park, kuBulawayo, nemusi weChina chadarika, Dr Dokora vakati nzvimbo dzekudzidzisa dzichange dzichipihwa kuvarairidzi vanobva kuZimbabwe Open University (ZOU) nekumakoreji anodzidzisa varairidzi.

Vakakurudzira varairidzi vasina kufundira mabasa kuti vadzidzire kumakoreji nemayunivhesiti anokodzera.

“Makoreji nemayunivhesiti aya anobatsira kuti tive nevarairidzi vakafundira basa.

“Mukana uripo, hakuna munhu anofanira kudzidzisa iye asina kufunda,” vakadaro.

Vanoti kunyorwa kwemagwaro anosimudzira kudzidziswa kwemhando yepamusoro, eTeacher Professional Standards (TPS), nderimwe danho rebazi ravo rine donzvo rekusimudzira dzidzo munyika.

“Hakuna ongororo yakasimba iri kuitwa muchikamu chedzidzo izvo zviri kuita kuti vanhu vazhinji vange vachinyepera kuve vadzidzisi asi ivo vasina magwaro uye vamwe vacho havana kana kumbodongorera musuwo wekoreji inodzidzisa varairidzi. Pachazadzikiswa chirogwa ichi gore rinouya, dzidzo ichasimukira,” vakadaro.

“Bazi redu rakatopedza kuita ongororo yezvinhu zvinotarisirwa kumurairidzi chaiye, zvakadai seruzivo, kunzwisisa, hunhu, kugona kuita basa nezvimwe.”

Vanoti chirongwa cheTPS chichabata varairidzi pamwe nevakuru vezvikoro.

Dr Dokora vakashoropodzawo mamwe makoreji ayo ari kungonyuka asina kunyoresa vachiti ndiwo ari kubatsira mukuderedza budiriro yedzidzo. – The Herald.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *