Siyana nemwana wechikoro: Mambo

MAMBO Chundu vekuHurungwe, VaAbel Mbasera, vanoti vanoshushikana zvikuru nekuwanda kuri kuita nyaya dzevanasikana vari kusiira chikoro panzira mudunhu ravo mushure mekunge vamitiswa kana kuroodzwa.

Nekuda kwedambudziko iri, mambo ava vakatotanga chirongwa chakananga kuita uku.

Muhurukuro neKwayedza, Mambo Chundu vanoti vakatanga chirongwa chinonzi “Operation Siyana neMwana Wechikoro” nedonzvo rekuderedza kuroodzwa kwevanasikana vachiri ndumurwa.

“Izvozvi ndine cheni dzandiri kuda kunoshandisa kusunga vabereki vemukomana akatizirwa nemusikana weGrade 5. Tichasunga zvakare vanatezvara nanavamwene vakatambira pwere vachiita muroora.

“Ichi chichava chidzidzo kune dzimwe nhinhi dziri kushungurudza vana uye vachaenda kumatare edzimhosva. Kana vabereki vakaramba kuroodzwa kwevana, dambudziko iri tinoona richipera.

“Asi kana vabereki vakatambidzana pwere richava dambudziko risina magumo,” vanodaro.

Mambo ava vanoti kune vamwe vadzidzi vari kusiiswa chikoro panzira, zvikuru munguva yekupiswa kwefodya, apo vanonotemeswa huni dzekupisa fodya kana kuchengeteswa vamwe vana apo vabereki vanenge vari kuminda.

“Vamwe vabereki vanosarudza kuti vana vavo vanorinda makudo kuminda zvinova zvinoderedza kupasa kwavo kuchikoro nekuti havazowani nguva yekuita zvemabhuku,” vanodaro.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×