O-LEVEL — NDINOFA NDAEDZA: Muchineripi anorwisana naChandafira

Ticha Tichaziva
CHITSAUKO 3 (Ongororo: Endererero mberi)
Enzaniso tinodziona dzichishandiswa zvekuti. Tinobva tanyatsa kuona kuti Revai ainge ava nenyota yakaita sei apo anosvika parwizi munhu ndokudutira mvura “sengamera ine nyota yemwedzi mina” (19).

Apo Muchineripi naChandafira vanenge vachipopotedzana vaikwidza mazwi avo vachidzvokorana mumeso chaimo “samangoyi nechiva zviri kurwa” (20).

Muchineripi anovhundutsira Chandafira vaviri ava vakarwa zvikuru chaizvo izvo zvinonzi vakadamburana “sehandira mbiri dzairwira tsiru” (21). Tinobva tanyatsa kuona kuti painge pasingadanwi anonzwa apa. Vava kufemereka nepamusaka pokurwa vanoita izvi “dzenge mbongoro dziri kuzvuva danda” (21). Panosvika Revai pavari ndokutaura navo Chandafira anobva atura mafemo “semombe yaneta nekuzeya” (22).

Munda wedoro rakanzi Revai azotimba raive ivhu gobvu rakaomarara kuti papata rine mazimitswe “semapako chaiwo kutsemuka” (26).

Pakushanda basa iri tinoona kuti pane basa hombe chairo.

Wati kukura here kwainge kwakaita musoro webadza racho! Raive rino zidzoro “rinenge retsuro chairo” (27). Apa paitoda kuti munhu adzisunge dzisimbe pakurishandisa saka Revai achisvipira mate mumawoko kwava kubata mupinyi “seoda kutekesha mombe yechibayiro” (27).

Revai apo anomborirava ari pabasa anozongoerekana Chandafira asvika paari ndokumubata mumaziso izvo Revai anonzwa nemunhu waakanga asina kuona. Saka achizomuti anogona kunyangira “samangoyi chaiye”(28).

Chandafira aiti  kana arara aiita kunge munhu akafa saka Revai achizomuti anorara “sedahwa kunge wakagarika” (32).

Afunga zvekutiza ega achisiya Chandafira, Revai anoona kuti munhu uyu munhu anoda rubetsero. Dai aive ane musha wekumuchengeta, aimugumbatira “sehukwana” (34) nekuti ainge amuyamura chaizvo.

Maererano netsika nemaitiro aMambo Zindoga tinonzwa zvakati kuti. Apo tinotanga kunzwa nezvake tinonzwa Muchineripi achiti, “Zindoga ane mwoyo wakaomarara” (26).

Tinonzwazve kuti yakange iri harahwa” isingade kunzwa kuti yakwegura tozonzwazve kuti ishe uyu “haaida zano kubva kuna ani zvake asi kuti aizviti mungwaru anoziva zvose” (25).

Chandafira anotiudzawo kuti, “uyu munhu mukukutu segoko rekamba chairo” (28). Munhu aive nehasha kwazvo.
Maererano naRevai, tinonzwa kuti “upenyu hwekutukwa kana kurohwa akange akura nahwo” (24).

Chandafira anoratidza kugutsikana nemaitiro aRevai. Anomuti, “Iwe unoratidza kuve munhu anoita chaakananga chete” (31) tozonzwazve achiti, “iwe wakabva mudenga chaimo chokwadi” (31).

(Enderero mberi svondo rinotevera.)

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×