Presidential Scholarship: ‘Vadzidzi tichavabatsira’

HURUMENDE iri mushishi kutsvaga mari yekuti vadzidzi vari pasi pechirongwa chePresidential Scholarship Scheme vange vachikwanisa kupedzisa zvidzidzo zvavo zvichitevera matambudziko ekushomeka kwemari akatarisana nechirongwa ichi.

Mashoko aya akataurwa negurukota rinoona nezvehomwe yenyika, Cde Patrick Chinamasa, mudare reNational Assembly svondo rapera apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weMutare Central mudare iri, VaInnocent Gonese.

Cde Chinamasa vaive vakamirira gurukota rinoshandira mumahofisi emutungamiriri wenyika, Cde Didymus Mutasa.

VaGonese vaida kuziva mafambiro ari kuita chirongwa chePresidential Scholarship Scheme.

Cde Chinamasa vakati makore adarika, chirongwa ichi chaitsigirwa nevamwe vakotsveri, kwete neHurumende.

Vakati nguva pfupi yadarika pakatanga kuve nezvimhingamipinyi izvo zvakaita kuti vaimbotsigira chirongwa ichi vakundikane kuwana mari izvo zvakaitawo kuti vadzidzi vasangane nematambudziko.

“Nekudaro bazi redu riri kutsvaga nzira dzekuwana mari kuitira kuti vadzidzi vari pasi pechirongwa ichi vange vachikwanisa kupedzisa zvidzidzo zvavo,” vakadaro Cde Chinamasa.

Vakati mari iyi ichabviswa pabhajeti rebazi redzidzo yepamusoro, sainzi nekusimudzirwa kwemichina. Cde Chinamasa vakati mumakore anotevera pachave nekuvandudzwa kwechirongwa ichi, apo chichange chichibatsira vadzidzi vanoda kusimudzira zvidzidzo zvakasanangurika chete.

Panguva iyi, vakadaro Cde Chinamasa, chirongwa chePresidential Scholarship Scheme chichange chave kutsigirwa nebazi redzidzo yemapamusoro, sainzi nekusimudzirwa kwemichina.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×