O-LEVEL — RUKUVHUTE

Munyaradzi Gunduza
SARUDZA nhetembo dzinobuda muna Rukuvhute dzinoburitsa dingindira rezvematongerwo enyika/hondo yeChimurenga.

Nhetembo yakanzi Ndipo patakamuvinga pano inojekesa dingindira rezvematongerwo enyika. Nyanduri anoti munguva yehondo vakaviga mumwe wavo murwi wehondo pakati pematombo nemiti semhuka yesango inotyisa sepaanoti, “Ndipo patakamuviga pano pakati pezvitombo nemiunga kunge chiya chikara chesango.”

Nyanduri anoti kune magamba akawanda kwazvo akafira muhondo uye akanga achiuraiwa vakatarisa apo vaisimbirira kuti nerimwe zuva vachawana rugare sepaanoti, “Akadauka pamberi pedu achipika kuti rake gidi richapururudza.”

Nyanduri anoti magamba akafira muhondo ndiwo akatanga kuvhura nzira yekuti vamwe tose tizowana rusununguko sepaanoti, “Akatanga kuvhurira vamwe tese nzira kuti tiwane kubuda parumananzombe.”

Nyanduri anoti munguva yehondo kwakauraiwa vanhu vakawanda chaizvo sepaanoti, “Iro ivhu rakamedza ropa rikazvimbirwa.”

Nyanduri anoti munguva yehondo vakachema zvikuru nekurasikirwa nehama dzavo sepaanoti, “Yeduwo misodzi ivhu rakanwa rikaguta.”

Nyanduri anoti magamba ehondo aifa asi aine shungu dzekuti hondo yeChimurenga ifambire mberi sepaanoti, “Akati chindisiyai ndirote zvangu imi muende mberi neChimurenga.”

Chinhu chakabatanidza magamba kuti aende kuhondo chinangwa chekunosunungura nyika chete sepaanoti, “Zita, mhuri, mutupo, kana dzinza zvaingova mhindo.

Taingoziva uyu mwana wevhu”

Munhetembo inonzi Pakamungoma nyanduri anoti vaive muhondo apo vaifara zvikuru sepaanoti, “Tainge tachiti miswe rashu miromo kushama enge mapako.”

Nyanduri anoti paKamungoma vanhu vainge vachiimba nziyo dzehondo vachitungamirirwa navanachimbwido sepaanoti, “RweChimurenga rwaishaurwa naiye Rori, chimbwido mukuru.”

Chinhu chikuru chaiita kuti hondo ifambire mberi inziyo dzeChimurenga sepanonzi, “Kuimba ndiyo morarika muChimurenga kuti hondo ifambire mberi.”

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×