IMBWA HAIHUKURE SADZA naIgnatius Mabasa
KARE varungu vasati vauya munyika ino, nzira dzataiziva dzaive nzira dzakapfumbidzwa nemhuka kana nevanhu. Nzira idzi dzaive dzechinyakare, uye vanhu vaifamba munzira idzi vaidziziva. Kunze kwekuzivikanwa, nzira idzi dzechinyakare dzaiti dzikasafambwa, nekufamba kwenguva dzaidzimika. Dzaimera sora nemiti dzotokanganwikwa.
Nzira dzakare dzakanga dzisina kuwanda sedzenguva ino. Kuwanda kwenzira dzenguva ino kune zvakunoreva pamusoro pemafambiro edu munguva dzino. Munhu wenguva ino akabva pamuri munogona kumutevera mukamushaya nekuti anogona kungopinda mune imwe yanzira zhinji dziri munyika.
Nzira dzakare dzaizivikanwa kuti iyi inoenda kutsime, kumunda kana kumusha uri seri kwegomo. Nhasi nzira dzawanda zvekuti dzimwe dzacho dzinonetesa ukada kudzitevedza. Dzimwe nzira dzenguva ino dzinokurasisa zvekuti unonzwa munhu ari munzira achiti ndarasika.
Saka unogona kufamba munzira isingakuendese kwauri kufunga kuti inokuendesa. Kana kuti seni rimwe zuva, unogona kutevedza nzira yauri kufunga kuti ichanokusvitsa kwauri kuenda, asi wowana nzira iyoyo yakavharwa nekuti kune vamwe vatyairi vemotokari vave netsika yekugadzira dzimwe nzira dzepadivi nekuda kwekunonokerwa nekushaya mwoyo murefu, zvekuti mhedzisiro ndeyekuvharwa kwenzira.
Asi kune dzimwewo nzira dzinoendesa munzvimbo dzakanaka. Munguva dzatave kurarama nhasi kwave nedzimwe nzira dzinofambwa nepfungwa munhu akagara zvake. Zvakarewo, munguva dzino dzemafoni, maSatellite, maDrones nemasaisai anofambisa mashoko nemifananidzo, nzira dziri kuramba dzichiwanda.
Zvakarewo, kune makambani makuru anoshambadza kuti kana ukanwa, kana kudya, kana kupfeka, kana kuzora zvavanogadzira unenge wabatwa mumaoko emafaro. Muhupenyu hwekutenga izvi neizvo, maLabels, maBrands nemaTastes, vazhinji vedu tarasika nzira nekuti nzira dzatave kufamba ndedzekushandiswa.
Unogona zvako kuda kufamba munzira dzemazheti, dzemari, dzemaWeave, kudhakwa, kuba, kushamisira zvese nefashoni, asi imbozvibvunza kuti akakumirira kunoperera nzira yako ndiani? Ko akakuratidza nzira yauri kufamba nayo ari kufamba newe here? Ko muridzi wehupenyu hwako ari kuti nzira yawatora ndiyo chaiyo here?
Tiri kuita gundamusaira kupfeka wivhi inenge dendere reshiri kwaEmerina.
Chinhu chakakosha muhupenyu kuti tinge tine vamwe vanhu vanotisimbisa kuti tiri munzira chaiyo inotisvitsa. Asi nguva zhinji tinofamba nevamwe vanhu vatorasikawo, vasiri kuziva kwavari kuenda zvekuti vanofara kuti vawana vekurasika navo.
Ndizvo zvakaitwa nababa vakanyorwa neKwayedza svondo rapera kuti vakabata mwana wavo chibharo, asi ivo nemunin’ina wavo vakawirirana kutsvaga mumwe munhu wekupomera mhosva. Vanhu vaunowirirana navo vanokuvaka kana kukupaza. Vanhu vatinowirirana navo vanogona kutishandisa setishu kubvisa tsvina.
Neniwo ndinocheuka shure ndonyatsoona pandakagadzirirwa nedzandaiti shamwari imwe nzira yekufamba nayo. Ishamwari dzakandidzisisa kunyepera vabereki, ishamwari dzakandidzidzisa kuravidza doro, kutaura slang ndichishamisira, kupfimba vasikana ndisati ndave zera rekuita izvozvo.
Saka chinhu chakakosha kuti tisarudze nehuchenjeri nzira dzatinofamba uye nevatinofamba navo.
Uri mumaGroup ezvei paWhatsApp? Uri post office yaSatani here inozivikanwa nekutumira porno?
Kana ukatarisa hupenyu hweshamwari dzako dzepedyo nenzira dzavari kufamba nadzo, unobva waona kuri kuenda nekuchagumira hupenyu hwako kana ukaramba uchifamba navo. Asi kana une shamwari dziri kufamba munzira yakanakaka, pfuurirai mberi.
Usafambe murima nechipoko. Jesu paye paakati ndini nzira chokwadi nehupenyu aireva kuti haasi nzira inodzimika kana nzira yevanhu inorasisa. Kana wanga warasika, famba naJesu anokusvitsa.




