Freedom Mupanedemo ari kuGweru —
N’ANGA yekuGweru inonzi yave nemakore mana ichigara nevana vaviri vayainge ichirapa uye inoti haizi kuzovadzorera kusvikira vabereki vavo varipa kurapwa kwavakaitwa chirwere chenhukusa (gomarara).
Mbuya Juliet Mpofu (64) — avo vanonyanyozikanwa nezita rekurapa rekuti Gogo Maphilisa — vasvitsa makore mana vakachengeta vana vaviri ava kumba kwavo vanoti wemakore 11 nemumwe ane 15 okuberekwa avo vanoendesa kuchikoro.
Gogo Maphilisa vanoti vakagara pasi pemvura kwemwedzi mina vachirapa mumwe wevana ava naizvozvo vabereki vavo vanofanirwa kuripa mombe mbiri kutenda kurapwa kwavakaitwa.
Mapurisa muGweru ari kuedza kuenzanisa n’anga iyi nevabereki vevana ava kuti vawirirane.
Zvakadai, Gogo Maphilisa vanoti kana vana ava vakatorwa pasina muripo chirwere chenhukusa ichi chinodzoka.
“Ini handisi kuramba nevana asi kuti shavi rakandigara rakarapa vana ava rinofanirwa kuripwa. Panofanirwa zvakare kuitwa mutambo mukuru unenge uchiridzwa ngoma kutambira vana ava kana vava kudzokera kuvabereki vavo,” vanodaro Gogo Maphilisa.
Amai vevana ava, Muzvare Simangele Zimba, vanoti havana chokubata uye vakasiyana nababa vevana ava saka havana chekutenda nacho Gogo Maphilisa basa ravakaita.
Vanoti vakazopotera kumapurisa muGweru kuti vavagadzirise naGogo Maphilisa kuti vatore vana vavo.
“Takazowirana hedu kuti apo ndichitsvaga chekutenda Gogo nacho vana vangu vachafanogara naGogo sezvo vagere havo zvakanaka uye vachienda kuchikoro,” vanodaro Muzvare Zimba.
Gogo Maphilisa vanoti ivo havana hanya nekuripwa asi shavi rakavagara rinoda kutendwa kuti chirwere chakange chakabata vana chisazovadzokere zvakare.
“Ini ndongoshandiswawo asi shavi iri rinoda kutendwa ndicho chivanhu zvachinotaura. Vana ava vanofanirwa kuperekedzwa nemutambo kana vave kudzokera pane kuti vatorwe zvenharo,” vanodaro.




