‘Unofa rinhi, vamwe vako vapera’

Nyasha Bvudzijena

MURUME harahwa anoti ashaiswa rugare nemuvakidzani wake uyo ari kumupumha huroyi achiti sei isiri kufa sezvo vamwe vezera rake vakapera kufa.

Nicholas Gumbo akamhan’arira Christine Kamudzimu kuHarare Civil Court achiti ane tsika yekutumira vanhu kuti vamutyisidzire uye vamwe vacho vanotumira mashoko panhare yake vachimutuka.

Mutongi Gladis Moyo akapa Gumbo gwaro rinomuchengetedza.

“Musikana uyu anonditukira kushaya mazino kwangu, handizive kuti kuchembera imhosva here yekubva watonzi uri muroyi nekuti hausi kufa.

“Zviri kundirwadza zvisingaite zvekuti handichakwanisa kuenda kana kusvondo kwandinopinda nekuti handichazive kuti vanhu vanofungei kana vachindiona,” anodaro Gumbo.

Anoti Kamudzimu ari kuedza nepose paanogona kusvibisa zita rake sezvo vamwe vanhu vemunharaunda vave kutotenda kumashoko aari kushambadza pamusoro pake.

“Pekutanga ndakambofunga kuti kuda akadhakwa, asi katove katatu achishevedzera mashoko asina kunaka pose pandinopfuura nenzira iri pedyo nepamba pavo,” anodaro.

Kamudzimu haana kuenda kudare kunopawo divi rake panyaya iyi.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *