Ohwandira nemukadzi muzvikona

Gamuchirai Muzanenhamu
SAMUSHA vekuoneswa ndondo nemudzimai wavakarambana naye uyo anonzi anovateverera kwavanoenda achida kuvarwisa neshamwari dzake vakazopotera kudare redzimhosva.

Wilfred Rwizi akamhan’arira Jessica Chakwenya kuHarare Civil Court achiti ari kumushaisa rugare nekumushungurudza.

“Changamire, ndava kushaya kwekufambira nekuti nzira dzese dzandinoshandisa ndinozoerekana ndava kuona mukadzi uyu akandimirira neshamwari dzake vachida kundirwisa,” anodaro.

Anoti Chakwenya anoziva nzira dzaanoshandisa nekuti aimbova mudzimai wake.

“Anoziva nzira dzandinoshandisa nekuti aimbova mudzimai wangu saka ava kushandisa ruzivo rwake kuti anditevere uye kundimirira muzvikona,” anodaro Rwizi.

Anoenderera mberi achiti haadi kuti mudzimai wake mutsva apinzwe munyaya dzavo.

“Anonotuka mudzimai wangu achimupinza munyaya dzekurambana kwedu zvinova zvava kukonzera kunetsana mumba medu saka ndoda kuti dare riite kuti asasvike pamba pangu,” anodaro Rwizi.

Achipawo divi rake, Chakwenya anoti Rwizi ari kuda kutiza kubhadhara chikwereti chemari yake yaakamupa vachiri kugara vose.

“Chikumbiro chake ndinochiramba nekuti ari kuda kutiza kundibhadhara chikwereti changu,” anodaro.

“Handimugaririre pazvikona asi kuti ndinoziva nzira dzake dzaanoshandisa saka kuti ndibvunze chikwereti changu ndinotoona kuti ndamumirira paanenge achibva kubasa. Kuti ndiende kumba kwake, mukadzi wake haadi kundiona,” anodaro.

Mutongi Larzin Ncube akapa Rwizi gwaro rerunyararo.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *